Accessibility links

Breaking News

VaMorgan Tsvangirai Vanorangarirwa Zvine Mutsindo


VaMorgan Tsvangirai

MDC inotungamirwa naVa Nelson Chamisa yarangarira mutungamiri webato iri wekutanga, VaMorgan Tsvangirai, avo vakashaya gore rapera nechirwere chegomarara.

Mudzimai wemuchakabvu, Amai Elizabeth Tsvangirai, vanonzi vasvimha misodzi apo vasvika panzvimbo yanga ichiitirwa hurongwa uhu.

Vachitaura pahurongwa uhu, VaChamisa vati pane humwe hurongwa hwekurangarira VaTsvangirai huchaitirwa kumusha kwavo kuBuhera.

VaChamisa vakurudzira nhengo dzeMDC pamwe chete nevana veZimbabwe kuti vafambe negwara rakatangwa naVaTsvangirai vachiri vapenyu kuitira kuti kuve nehutongi hwejekerere munyika.

Zvichakadaro, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaburitsa mashoko padandemutande ravo reTwitter vachiremekedza VaTsvangirai vachiti vaiva munhu akazvipira zvikuru pakusimudzira nyika yake uye pakurwira hutongi hweruzhinji.

Ukuwo vanhu vakawanda varangarira VaTsvangirai muSouth Africa.

Kunyange hazvo pasina mitambo kana minamato yaitwa mukurangarira VaTsvangirai muSouth Africa, zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara muSouth Africa, zvinoti hazvikanganwe basa guru rakaitwa naVaTsvangirai vachirio mupenyu

VaSocks Chikovero, avo vaive tsika nditsike naVa Tsvangirai, vanoti VaTsvangirai vakarwa ndima yavo, uye vakavadzidzisa kuti kuve mune zvematongerwo enyika, hakusi kukudza zvigaro.

VaMunyaradzi Shoko, avo vari muhupoteri muSouth Adfrica, vanoti ndemumwe wevanhu vakashandiswa zvikuru nebato reZanu PF asi vakabviswa muhusugwa uhu, naVaTsvangirai.

Kanzera wekuMasvingo, VaGodfrey Kurauone, vanoti VaTsvangirai munhu aida kuona Zimbabwe ichienderera mberi zvakanaka iine hutongi hwejekerere.

Nhengo yeMDC iri muhupoteri muSouth Africa, VaEric Gono, vanoti vacharamba vachirwira zvido zvaVaTsvangirai.

VaTsvangirai vakarwara kwenguva refu nechirwere chegomarara vakashayikira muchipatara chemuJohannesburg musi wa Kukadzi 14 gore rapfuura.

VaTsvangirai vakashaya vave nemakore makumi matanhatu nematanhatu, uye vakasiya mudzimai, vana, nevazukuru.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG