Accessibility links

Breaking News

Mhuri yekwaKarigamombe Yoronga Kuita Musangano naMambo Zvimba Avo Vakati Mutumbi waVaMugabe Ufukunurwe


Robert Mugabe burial
Robert Mugabe burial

Mhuri yekwaKarigamombe yaungana nhasi kwaZvimba mudunhu reMashonaland West ichizeya mutongo waMambo Zvimba wekuripisa mudzimai wevaimbove mutungamiri wenyika, muchakabvu Robert Mugabe, Amai Grace Mugabe, ikwawirirana kunoona Mambo Zvimba mangwana kuti inzwe kuti vakasvika seyi pamutongo wavo.

Mambo Zvimba vakagara dare neMugovera wapfuura vakawana Amai Grace Mugabe vaine mhosva yekuviga murume wavo mumba zviri kunze kwechivanhu chinoitwa mudunhu raIshe Zvimba.

Asi mushure memusangano wanhasi, mhuri yekwaKarigamombe, iyo inobatawo mhuri yekwaMugabe, yabuda nechisungo chekuti itaure naMambo Zvimba ichiti zvavakaita zvainge zvisiri pamutemo.

Mhuri iyi inoti iri kushamiswa zvikuru nemaitiro aMambo Zvimba avo inoti vari kupindira muzvinhu zvinoitwa chete nemumhuriyekwaKarigamombe.

Mutauri wemhuri iyi, VaDominic Matibiri, vanoti havawirirane nezvakaitwa naMambo Zvimba, zvikuru panyaya yekuzvuva kumatare muroora, anova Amai Grace Mugabe, mumusha mune munhu akapihwa tsvimbo yemusarapavana.

VaMatibiri vati kana Mambo Zvimba vari muchokwadi, vaifanirwa kudaidza munhu akaitwa musarapavana, kwete kuendesa muroora wemumusha kumatare.

Vatiwo pakavigwa VaMugabe kwaZvimba, Mambo Zvimba vaivepo uye havana zvavakapikisa.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi raMambo Zvimba avo vadzima foni yavo mushure mekuziva kuti vari kutaura neStudio7.

Vachipa mutongo wavo svondo rapera, Mambo Zvimba vakati Amai Mugabe vanofanirwa kubvisa matsiru mashanu nembudzi sheshe dzekuripa mhosva yavakapara.

Mambo Zvimba vakati zvipfuyo izvi zvinofanirwa kuripa mukati memazuva makumi matatu, kutadza kuita izvi, vaizotuma chikonzi chinobata zvipfuyo izvi.

Mambo Zvimba vakatiwo mutumbi wemufi unofanirwa kufukunyurwa kuitira kuti ugovigwa ku National Heroes Acre.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG