Accessibility links

Breaking News

VaMagufuli Vanoti Kushanya Kwavo Kunosimbaradza Hukama hweZimbabwe neTanzania


FILE - In this Oct. 23, 2015, photo, Tanzania President John Magufuli addresses a rally in Dar es Salaam, Tanzania.
FILE - In this Oct. 23, 2015, photo, Tanzania President John Magufuli addresses a rally in Dar es Salaam, Tanzania.

Mutungamiri weTanzania, VaJohn Magufuli, vanoti vashanya muZimbabwe nechinangwa chekusimbaradza hukama hwenyika yavo neZimbabwe.

Vachitaura pakupera kwerwendo rwavo kuState House muHarare, VaMagufuli vati hukama hweZimbabwe neTanzania hucharamba huchisimba.

VaMagufuli vataurawo pamusoro pezvirango zvavati zvakatemerwa Zimbabwe vachiti zvinofanirwa kubviswa nekukurumidza.

Pavabvunzwa kuti kurudziro yavo yekuti zvirango zvibviswe inotambirwa here, VaMagufuli vati havana basa nazvo kuti zvanzwikwa here kana kuti kwete. Asi vati zvirango zvinoita kuti vanhuwo zvavo vashupike.

VaMagufuli vati pane dzimwe nzira dzinofanirwa kuitwa nadzo dzakaita sekutaurirana pane kushungurudza vanhu nezvirango.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatiwo kunyange paine zvirango, vacharwisa kuti nyika ibudirire vachishandisa zviwanikwa zviri munyika munyaya dzezveupfumi.

Asi nyanzvi yezvematongerwo enyika inotaura yakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vati kushanya kwaVaMagufuli hakuna chakunoyamura nyika munyaya dzezvehupfumi sezvo Tanzania isina zvainazvo.

VaKuchera vati kushanya kwaVaMagufuli kunongosimbaradza hukama pakati pemapato eZanu PF neChama Chama Pinduzi.

Sachigaro wePlatform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vati nyaya iri kutaurwa nevatungamiri venyika ava yekuda kusimbaradza hupfumi hapana kwainosvika sezvo nyaya iri kunetsa iri yematongerwo enyika.

Asi nhengo yeZanu PF, VaGadzira Chirumhanzu, vachitaura semuongorori zvematongerwo enyika akazvimirira, vatiwo vanhu havafanirwe kungoshora zvese zvinenge zvaitwa nehurumende nekuti vachashora mbodza neinozvimbira.

VaChirumhanzi vati Zimbabwe neTanzania dzagara dzichidyidzana zvakanyanya munyaya dzezvematongerwo enyika kubva munguva yehondo yerusununguko, nekudaro zvakakosha kuti vasimbaradze hukama hwadzo munyaya dzezvehupfumi.

VaMagufuli vakapinda munyika neChipiri, uye kushanya kwavo muZimbabwe kwapera neChitatu.

Vasati vapinda muZimbabwe, vakashanyariwo kuNamibia.

VaMagufuli ndivo mutungamiri weTanzania weChishanu kubva nyika iyi yawana kuzvitonga muna 1964.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG