Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weTanzania, Va John Pombe Magufuli, Vashaya.


John Magufuli (foto arquivo)
John Magufuli (foto arquivo)

VaMagufuli, avo vanga vava nemakore makumi matanhatu nerimwe, vanonzi vashaikira pachipatara cheMzena Hospital muguta reDar es Salaam kuTanzania.

Mutungamiri weTanzania, Va John Pombe Magufuli, vashaya.

Izvi zvazivisa nemutevedzeri wavo, Amai Samia Saluhu Hassan, vachiti VaMagufuli vashaya nechirwere chemoyo.

VaMagufuli, avo vanga vava nemakore makumi matanhatu nerimwe, vanonzi vashaikira pachipatara cheMzena Hospital muguta reDar es Salaam kuTanzania.

VaMagufuli vanga vava nemasvondo maviri pasina anoziva kwavari, kana kuti hutano hwavo hwakamira seyi.

FILE - In this Tuesday, Aug. 25, 2020 file photo, President John Magufuli, left, who seeks a second five-year term.
FILE - In this Tuesday, Aug. 25, 2020 file photo, President John Magufuli, left, who seeks a second five-year term.

VaMagufuli vakasarudzwa kuva mutungamiri weTanzania muna 2015, vakasarudzwa zvakare kutungamira nyika iyi muna Gumiguru 2020, musarudzo dzakasimudza mitauro vanopikisa vachiti dzakabiridzirwa.

TANZANIA President John Pombe Magufuli takes oath of office
TANZANIA President John Pombe Magufuli takes oath of office

Vari mutungamiri weTanzania, VaMagufuli vaipomerwa nyaya dzekudzvanyirira vanovapikisa, kumbunyikidza vatori venhau pamwe nekushorwa pamabatiro avakaita chirwere cheCovid-19, icho chinonzi ckauraya vanhu makumi maviru nemumwe chete munyika iyi.

Pakapinda chirwere ichi muTanzania gore rapera, VaMagufuli havana kutambira hurongwa hwepasi rose hwekuvhara nyika, asi vakatoonekwa vachikurudzira vanhu kuti vapinde mudzisvondo vachinamata vasina kuzvidzivirira.

Kubva muna Chikumi gore rapera, VaMagufuli vakatara Tanzania senyika isina dambudziko reCovid-19.

Kunyange hazvo hurumende yeTanzania yazivisa kuti VaMagufuli vafa nechirwere chemoyo, vanopikisa hurumende vanoti vafa nechirwere cheCovid-19.

Mapurisa emuTanzania akasunga vanhu vana nemusi weMuvhuro vachipomerwa mhosva yekuisa manyepo pamadandemutande ekuti VaMagufuli vari kurwara.

Zvichitevera kushaya kwaVaMagufuli, Tanzania yatara mazuva gumi nemana ekuchema mutungamiri wayo, uyo akaberekwa muna 1959.

VaMagufuli vakaitwa mutungamiri weTanzania vava nemakore makumi mashanu nematanhatu, vakatonga nyika iyi kwemakore mashanu nemwedzi mina nemasvondo matatu.

Vashaya vasati vakwanisa gore vachitonga mutemu yavo yechipiri kuva mutungamiri weTanzania.

Mufi asiya mudzimai, Amai Janet Magufuli, pamwe nevana vaviri, Jessica na Joseph Magufuli.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG