Accessibility links

Breaking News

Kugadzwa kwaMeya weBulawayo Kunotadza Kuenderera Mberi


Bulawayo Town Clerk Swearing In Councilors
Bulawayo Town Clerk Swearing In Councilors

Kusarudzwa kwameya weguta reBulawayo nemutevedzeri wake kwatadza kuenderera mberi zvichinzi kuita izvi munzvimbo isiri yakagadzirirwa kuita misangano yekanzuru hakuzi pamutemo.

Vamwe vanhu vange vauya kuzoona chiitiko ichi paLarge City Hall vaimba vachiratidza kusafara kwavo mushure mekunge munyori wekanzuru yeBulawayo, VaChristopher Dube, vataura kuti musangano wange uchifanirwa kuitwa uyu hauchaitwa.

Makanzura eBulawayo akatoreswa mhiko nemusi weChishanu uye vamwe vagari vaive vaita chikumbiro chekuti kusarudzwa kwameya nemutevedzeri wake kwange kuchifanirwa kuitwa nhasi, kuitwe munzvimbo yakakura sezvo muCouncil Chambers munowanzoitwa misangano yakadai, muri mudiki.

VaDube vaudza Studio7 kuti musangano wange uchifanirwa kuitwa uyu watadza kuenderera mberi mushure mekunge kanzuru yaziviswa kuti kuita izvi kwange kusiri pamutemo.

VaDube vatiwo chimwe chikonzero chapa kuti vamise chirongwa chavo, inyaya yekutyira mhirizhonga.

VaDube vati musangano wekusarudza meya nemutevedzeri wake wave kutarisirwa kuitwa nemusi weChishanu muCouncil Chambers.

Munyori wesangano reBulawayo Progressive Residents Association, VaAnglistone Sibanda, vati vamwe vagari vari kutsutsumwawo nekwavanoti kusarudzwa kwakaitwa mamwe makanzura avanoti havazi vagari vemuBulawayo.

Pakagadzwa makanzura nemusi weChishanu vamwe vagari vakada kurova mumwe wemakanzura, VaArnold Batirai, mushure mekunge vatora mhiko yavo murudzi rweChishona izvo zvavakati kuzvidza vagari vemuBulawayo.

Nhasi vanhu vanga vachiimba vachiti VaBatirai munhu anobva kuMasvingo nokudaro haakodzero kuva nhengo yekanzuru yeguta reBulawayo

Pasi pemitemo yenyika, munhu anobvumidzwa kukwikwidza chigaro chemunzvimbo ipi zvayo chero ari munhu akanyoresa kuvhota uye achitevedza zvinodiwa nemitemo yesarudzo.

Vakawanda vari kuratidza kushamiswa zvikuru nedanho ravanoti riri kutorwa nedzimwe nhengo dzeMthwakazi Republic Party, idzo dzakakundwa musarudzo yemakanzura muBulawayo, asi pari zvino dzichionekwa dziri mberi mukuda kupatsanura vanhu pachishandiswa marudzi.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubato iri kuti seyi riri kuita zvinhu zvakadai.

Guta reBulawayo rine makanzura makumi maviri nemapfumbamwe, ose ari eMDC Alliance.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG