Vamwe vagari vekuLupane vari kuchema chema nekusarira kwavanoti kwakaita dhorobha ravo vachiti izvi hazvienderani nekuve kwaro guta guru redunhu reMatabelelanda North.
Kusafara kwevanhu ava kwabuda pamusangano wekuzeya kuendeswa kwemasimba kumatunhu waitwa muLupane nhasi neStudio 7 yakabatana neMedia Centre.
Mumwe mugari variwo mukuru weLupane Women’s Centre Amai Hildegarde Mufukare vati dhorobha reLupane rakafanana neruzevha rwuri mukati mechakasara.
Amai Mufukare vati muLupane nedzimwe nzvimbo dzakaipoteredza hamuna zvipatara kana makiriniki pamwe nezvikoro zvakakwana kunyanya zvescondary vachiti mamiriro ezvinhu akadai anorwadza zvikuru kana kuchitariswa kuti nzvimbo iyi ine zviwanikwa zvakawanda.
Mumwe mugari wechidiki Muzvare Deborah Mpofu vati vechidiki vabve zera vanoshaya zvekuita nekuda kwekuti munzvimbo yeLupane hamuna mabasa vachitiwo vakawanda vanoedza kuwana raramo nekutengesa zvinhu zvakasiyana-siyana asi vamwe vanopedzisira vatiza nzvimbo iyi vachinotsvaga chouviri kune dzimwe nzvimbo.
Izvi zvatsigirwawo nemumwe wechidiki Muzvare Prisca Sibanda avo vati kunyange hazvo kune Lupane State University havazi vose vechidiki vanokwanisa kuenda kuchikoro chepamusoro ichi vachitiwo mudunhu reMatabeleland North rose hamuna zvikoro zvekudzidzira zvimwe zvinhu zvakadai semabasa emaoko, hudzidzisi kana hukoti.
Ati nekuda kwekusavepo kwemikana vechidiki vakawanda vanorarama hupenyu hwehwakumukwaku.
Mumwezve wechidiki Muzvare Thembelihle Mhlanga vati kunyange hazvo nzvimbo dzekumatunhu dzakawanda munyika dzakasaririra, nzvimbo yeLupane nedunhu reMatabeleland North zvakanyanya kusarira munyaya yebudiriro nechikonzero chikuru cheGukurahundi.
Ati nekuda kwenyaya iyi, vanhu vakawanda vachiri kutya chero kutaura nezvebudiriro vachitiwo hurumende inofanirwa kugadzirisa nyaya iyi.
VaJohn Mpofu vanove kanzura weMatshiya Ward vati chimwe chinhu chiri kuita kuti nzvimbo yeLupane irambe ichisarira kumashure inyaya yekusabatana kwevanhu uye kutarisa nyaya dzebudiriro vachipinza zvematongerwo enyika mukati.
Pave nemakore anopfuura gumi kubvira pakadomwa dhorobha reLupane seguta reMatabeleland North uye dhorobha iri riri makiromita anosvika zana nemakumi manomwe nematanhatu kumaodzanyemba kwakadziva kumavirira kweguta reBulawayo.
Kusvika pari zvino mudhorobha iri hamusati mave nemahofisi emapazi ehurumende akasiyana-siyana sezvinotarisirwa. Mapazi ehurumende pamwe nevashandi vehurumende vakawanda vanofanirwa kunge vachishanda vari mudhorobha iri vachiri kushanda vari muguta reBulawayo.
Musangano wanhasi ndemimwe yemisangano iri kuitwa neStudio 7 ichishanda nesangano reMedia Centre mumatunhu akasiyana siyana senzira yekunzwa pfungwa dzeveruzhinji pamusoro pezvinhu zvakasiyana-siyana zvinovabata mukurarama kwavo.
Mumwe musangano wakadai uri kuitwa muBulawayo nemusi weChishanu.
Facebook Forum