Accessibility links

Breaking News

Kuvimba Mining House Inoti Haidyidzane naVaKuda Tagwirei, Avo Vakatsemurwa neOngororo yeThe Sentry


Kambani ine migodhi yakawanda munyika, yeKuvimba Mining House, nhasi yazivisa kuti hainei namuzvinabhizimisi, VaKudakwashe Tagwirei, avo vanonzi nesangano reThe Sentry vanoshanda nekambani iyi mumabasa ayo asina kujeka.

Mumashoko ayo nhasi, Kuvimba yati VaTagwirei havana zvekuita nekambani iyi sezvo kambani iyi yakatenga zvikamu zvese zvaVaTagwirei kubva mukambani yavo yeSotic International.

Sotic International ndeimwe yemakambani aVaTagwirei anonzi neThe Sentry aishandiswa naVaTagwirei kuwana basa kubva kuhurumende pamwe nekubata pahuro makurukota nehurumende nemakambani ehurumende kana kuti State Capture.

Kuvimba yati hainei naVaTagwirei ichiti varidzi vekambani iyi vanosanganisira Sovereign Wealth Fund of Zimbabwe, Public Service Pension Management Fund, Deposit Protection Board, Insurance and Pension Fund, Farmers Deed Trust Settlement Pvt Limited hurumende nemamwe makambani.

Vaive gurukota rezvemari panguva yehurumende yemubatanidzwa, zvakare vari mumwe wevatevedzeri vemutungamiri webato guru rinopikisa, VaTendai Biti, vaudza Studio 7 kuti nyaya ye The Sentry Report inoda kuongororwa zvakadzama.

VaBiti vati vanhu havafaniri kumirira mapato anopikisa kuti atore matanho pamusoro pehuwori huri kuitwa nehurumende vachiti yasvika nguva yekuti munhu wese asimuke.

Mutungamiri we Democratic Party, Dr Wurayayi Zembe, vati VaTagwirei vanoita madiro aJojina nekuti nyika yakaita sarudzo dzisina kujeka.

Vati hapana munhu anofanira kuita zvaanoda kana nyika iine vatungamiri vakasarudzwa neveruzhinji.

Mukuru weCommercial Farmers' Union, Va Adrew Pascoe, avo vanonzi sangano ravo rine chikamu muKuvimba Mining House, vaudza Studio 7 kuti havana zvavanoziva nezveVaTagwirei, kana kambani yeKuvimba vachiti vakangodaidzwawo kuti vapinde mukambani iyi .

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimiria, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti nyaya yakaburitswa neThe Sentry inotyisa uye chinodiwa kuti Zimbabwe Anti Corruption Commission ioongore nyaya iyi nekukasika.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri weZimbabwe Anti Corruption Commision, VaJohn Makamure, kuti tinzwe divi ravo payanya iyi.

Hatinawo kukwanisa kunzwa kuna VaTagwirei sezvo vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG