Accessibility links

Breaking News

South Africa Yokurudzirwa Kuchengetedza Kodzero dzeVabvakure


South Africa violence
South Africa violence

Mutungamiriri wesangano reInternational Cross Border Traders Association kana kuti I-C-T-A, VaDennis Juru, vanoti South Africa inofanirwa kuona kuti yachengetedza kodzero dzevatyairi vemarhori vasiri zvizvarwa zvemunyika iyi.

Mashoko aVaJuru anotevera kushungurudzwa kuri kuitwa vatyairi vekune dzimwe nyika, nevanhu vanozviti inhengo dzesangano revatyairi vemarhori muSouth Africa, reAll Truck Drivers Foundation, kana kuti ATDF.

VaJuru vati kana kushungurudzwa uku kukaramba kuchienderera mberi, sangano ravo richarambidzawo motokari kana ndege dzemuSouth Africa kuti dzipinde mudzimwe nyika dziri muAfrica.

VaJuru vati zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvinoshanda muSouth Africa zvine kodzero yekushanda munyika iyi sezvo zvisiri kutyora mitemo yenyika iyi.

VaJuru vakurudzirawo hurumende yaVaCyril Ramaphosa kuti itore matanho akaomarara kune vanoti inhengo dzeA-T-D-F, avo vanonzi ndivo vari kushungurudza vatyairi vose vasiri zvizvarwa zvemuSouth Africa.

Mumwe mutyairi wemarhori muSouth Africa, uyo anobva kwaMutambara mudunhu reManicaland, VaBooka Ndadzungira, vaudza Studio 7 kuti vanotsigira zvikuru matanho ose achatorwa nesangano re ICTA.

Zvichakadaro, kambani yeCoca Cola Beverages South Africa, kana kuti CCBSA, yazivisa kuti kutanga nhasi, hapana marhori emuSouth Africa achange achityairwa nevanhu vasina magwaro emuSouth Africa.

Gwaro raburitswa nemushandi wekambani iyi, Amai Rochelle Bernard, rinoti kambani yeCCBSA, yamisa kuita basa kutanga nhasi, kusvika musi weChitatu, apo ichatanga kurodha marhori anenge achityairwa nezvizvarwa zvemu South Africa zvine marezenisi ekutyaira.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kukambani iyi kuti seyi yatora danho rakadayi. Hatina zvakare kuziva kuti kambani iyi yanga iine vatyairi vekunze vakawanda zvakadii.

Mutauriri wesangano reZimbabwe Truck Drivers Association, rinoshandira riri muSouth Africa, VaWellington Manyonda, vanoti vatungamiriri vemuSouth Africa, havasi kutarisawo divi revatyairi vekunze munyaya iyi.

VaManyonda vapa chikumbiro kunyika dzakasiyana siyana, masangano anorwira kodzero dzavanhu, nevemasangano akazvimirira kuti vapindire munyaya yekushungurdzwa kwevatyairi vemarhori kuri kuitika muSouth Africa.

VaManyonda vatiwo bazi rezvinoitika mukati meSouth Africa rinofanirwawo kubatsira mumatambudziko akatarisana nevatyairi vasiri zvirwarwa zvenyika iyi.

VaManyonda vakurudzirawo nhengo dzeATDF kuti dziratidzire murunyararo muhurongwa hwayo svondo rinouya.

ATDF inoti iri kuratidzira neMuvhuro ichiti haisi kufara nekutorerwa mabasa ekutyaira marhori kwairi kuitirwa nevabvakure.

Mushure mekuona kuti zvinhu hazvisi kugadzirisika, masangano evatyairi vemuZimbabwe akaita musangano nemumiriri weZimbabwe muSouth Africa, VaDavid Hamadziripi, avo vakati vari kurwadzikana zvikuru nemhirizhonga iri kubata zvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa

VaHamadziripi vakati vachaita hurukuro nebazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muSouth Africa kuitira kuti patorwe matanho ekudzivirira kodzero dzevatyairi vanobva kuZimbabwe.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuhurumende yeSouth Africa kuti ichagadzirisa seyi dambudziko iri.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti nyika dzemuAfrica dzinosungirwa kuchengetedza kodzero dzemunhu wese, zvisineyi kuti ndewenyika ipi, pasi pechisungo cheAfrican Charter on Human and Peoples’ Rights.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch rinoti kune vanhu mazana maviri vakafa, vazhinji vavo, vari vatyairi vemarhori mumhirizhonga iri kuitika muSouth Africa kubva muna Kurume 2018.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti South Africa inofanirwa kubuda pachena ichishora kumbunyikidzwa kuri kuitwa vatyairi vemarhori vanobva kune dzimwe nyika.

VaMavhinga, avo vakaita ongororo pamusoro pekushungurudzwa kwevatyairi ava, vanoti mitemo iripo inogona kushandiswa pakudzivirira kodzero dzevabvakure, asi chiripo ndechekuti mapurisa emuSouth Africa haasi kuratidza chido chekupedza mhirizhonga iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG