Accessibility links

Breaking News

VaRamaphosa Vanotoreswa Mhiko


President Cyril Ramaphosa takes an oath as he is sworn in as a Member of Parliament in Cape Town, South Africa, May 22, 2019.

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, vagadzwa zviri pamutemo semutungamiri wenyika iyi pahurongwa hwapindwa nevatungamiri venyika dzemuAfrica kusanganisira VaEmmerson Mnangagwa.

VaRamaphosa, vatoreswa mhiko yavo pamberi pevanhu vanodarika zviuru makumi matatu, avo vanosanganisira vatungamiri venyika dzemuAfrica nevamiriri vedzimwe nyika muAfrica nemhiri kwemakungwa.

Vachitaura pakutora mhiko, VaRamaphosa vati vachaedza nepose pavanokwanisa napo kushanda nenyika dzemuAfrica, mukuunza runyararo, pamwe nekupedza matambudziko akatarisana neveruzhinji.

VaRamaphosa vatoreswa mhiko pazuva reAfrica Day zvichitevera kukunda kwakaita musarudzo dzakaitwa munyika dzakaona bato reAfrican National Congress richikunda.

Nyanzi mune zvematongerwe enyika, Dr Pedzisai Ruhanya, vati VaRamaphosa vanofanirwa kuona kuti kuchamhembe kweAfrica kwaita budiriro panguva iyo vanenge vari mutungamiri wenyika.

Vatiwo kuti Zimbabwe ibudirire, mauto haafanirwe kupindira mune zvematongerwo enyika, uye kuti sarudzo dzose dzinoitwa munyika, dziitwe zvinejekerere mukati.

Sachigaro wesangano reZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vati vane chvimbo chekuti kuvepo kwaVaMnangagwa paungano iyi, kuchavapa dzidzo inokosha mumatongero avo.

VaShumba varumbidzawo South Africa nekuita sarudzo dzakachena, izvo vati zvinofanirwa kunge zvichidzidzwa neZimbabwe.

Kubva pakawana South Africa kuzvitonga muna1994, nyika iyi yaita vatungamiri vana vakasarudzwa nevanhu vanoti muchakabvu Nelson Mandela, VaThabo Mbeki, VaJacob Zuma naVaRamaphosa, kunyange hazvo VaKgalema Motlanthe vakambofanobata chigaro chemutungamiri wenyika zvichitevera kubviswa kwakaitwa VaMbeki pachigaro muna 2008.

Izvi zvinosiyana zvikuru neZimbabwe iyo yakaita mutungamiri mumwe chete, VaRobert Mugabe, kwemakore makumi matatu nemanomwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG