Accessibility links

Breaking News

South Africa Yozeya Mutongo Unoisungira Kusunga Vatyori veKodzero muZimbabwe


Vanotungamira kuchuchiswa kwemhosva muSouth Africa, veNational Prosecution Authority, vanoti vatanga kuita misangano nemapurisa muSouth Africa kuti vaone kuti vopikisa here kudare repamusoro soro mutongo wakapihwa nedare neChipiri wekuti South Africa inofanira kusunga nekuferefeta avo vari kupomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu muZimbabwe.

Mutauriri weNational Prosecution Authority, VaMthunzi Mhage, vaudza Studio7 kuti vane masvondo maviri ekubuda nechisungo panyaya iyi vachiti vatotanga kuzeya zvakaturwa nedare.

Nyaya iyi inonzi ichatemesawo musoro mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, avo vari kuita basa rekuyananisa gakava rezvematongerwo enyika muZimbabwe, zvikuru pakati pemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe. Vaviri ava havasi kuwirirana pazvinhu zvizhinji zvinofanirwa kuitwa muhurumende yemubatanidzwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvichaomera hurumende yaVaZuma kuti vasunge kana kuferefeta makurukota eZanu PF ari kunzi vamwe vevanhu vakakonzera mhirizhonga musarudzo dzakaitwa muna 2008.

Mutungo weChipiri unotevera nyaya yakakwidzwa mudare neZimbabwe Exiles Forum ichibatsirwa neSouthern Africa Litigation Centre.

Vachitaura paZimbabwe Broadcasting Corporation neChipiri, gurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, vakati zvakaitwa nematare ekuSouth Africa kuda kubvisa hurumende yemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pachigaro vachishanda nevaimbotonga muRhodesia.

VaChinamasa vanoti izvi zviroto zvakaitwa uye hapana munhu weZimbabwe achasungwa.

Asi imwe nyazvi munyaya dzezvemitemo, VaAlex Magaisa, avo vanodzidzisa paKent University kuBritain, vanoti mashoko aVaChinamasa haana maturo.

XS
SM
MD
LG