Accessibility links

South Africa Yoyedzazve Kuyananisa Mapato Ari muHurumende yeMubatanidzwa

  • Blessing Zulu

South African President Jacob Zuma delivers the State of the Nation Address during the opening of parliament in Cape Town, South Africa, February 10, 2011 (file photo)

Vari kutungamira mapato matatu ari muhurumende yemubatanidzwa vari kutarisirwa kuenda kuCape Town, South Africa neChitatu kunoita musangano nechikwata chiri kuyananisa mapato aya chiri kutungamirwa nemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma.

Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vati vanotarisira kuti misangano iyi ichatora mazuva matatatu.

Misangano iyi iri kuitwa pachitarisirwa kuti ibude negwara richatorwa pachaitwa musangano weSADC Extraordinary Summit kuNamibia musi wa20 Chivabvu. SADC yakatotumira chikwata chayo chekuita misangano nehurumende yeAmerica neEuropean Union panyaya yeZimbabwe pamberi pemusangano wekuNamibia uyu.

Dare reHigh Court rakapa VaElton Mangoma veMDC-T uye VaMoses Mzila Ndlovu veMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube magwaro avo ekufambisa kuitira kuti vakwanise kuenda kumisangano iyi.

Vaviri ava vakatorerwa magwaro ekufambisa sezvo vaine nyaya dziri kumatare. VaMangoma vati vanotarisira kugadzirisa zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa uye kugadzirisa gwara resarudzo.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda neCrisis In Zimbabwe Coalition, VaPedzisai Ruhanya, vanoti havaone paine chinobuda pamusangano uyu.

XS
SM
MD
LG