Accessibility links

Breaking News

South Africa Yotarisirwa Kupindura Muna Ndira Nyaya yeKuripa Varimi Vachena vemuZimbabwe


VaMnangagwa, VaRamaphosa naVaPaul Kagame

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, nehurumende yavo vari kutarisirwa kuti musi wa 20 Ndira vange vapindura tsamba dzemagweta evarimi vachena vemuZimbabwe vakavaendesa kumatare vachiti vanoda mari inosvika bhiriyoni imwe chete nemazana maviri ezviuru zvemari yemuSouth Africa, kana kuti R1,2 billion yekuripa kutyorerwa kwavanoti kwakaitwa kodzero dzavo nekuda kwematanho akatorwa nenyika yeSouth Africa kuSADC.

Gweta revarimi ava, VaWillie Spies, vaudza Studio7 kuti vakatoendesa masamanisi kuhurumede yeSouth Africa nehofisi yaVaRamaphosa.

Varimi ava vanoti havana kufara nedanho rakatorwa neSouth Africa pasi pevaive mutungamiri wenyika iyi, VaJacob Zuma, rekuisa runyoro rwavo pachisungo cheSADC muna 2014 chekuti iparadze dare reSADC Tribunal raitonga nyaya dzinonetsa munyika dziri mugungano iri.

Dare reConstitutional Court muSouth Africa rakati VaZuma vaisafanira kunge vakabatsira kuti dare iri riparadzwe.

VaZuma vachibatsirana nevaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, ndivo vakaruka zano rekuparadza dare reSADC Tribunal vachiti risatonge nyaya dzevanhuwo zvavo asi kuti ribate nyaya dzekunetsana kwenyika chete.

Izvi zvakatevera kuwanikwa kweZimbabwe iine mhosva pamatorero ayakaita minda kubva kuvarimi vachena muna 2000 pasina muripo.

VaSpies vati vanofunga kuti vamwe varimi zviuru zvitatu vanogonawo kuenda kumatare nenyaya iyi.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaRamaphosa, Amai Khusela Diko, sezvo vange vasiri kudaira nharembhozha yavo.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vari mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti South Africa inyika inoremekedza mutemo nekudaro vanofunga kuti ichateerera zvinenge zvabva kumatare.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG