Accessibility links

Breaking News

South Africa Yotarisirwa Kukurudzira Kupetwa kweNhaurirano


Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dziri kutarisirwa zvakare munyika svondo rino kuti dziyedze kugadzirisa misariridzwa yezvinhu zviri kunetsa muhurumende yemubatanidzwa.

Chipangamazano chaVaZuma munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti vari kutarisira kuwana gwaro rezvenhaurirano kubva kuZimbabwe neChitatu.

Vati kana vawana gwaro iri vachaita hurukuro naVaZuma vozonanga kuZimbabwe.

Nyaya dzichaedzwa kugadziriswa inyaya dzemagavhuna ematunhu, gavhuna webhanga guru, muchuchusi mukuru wehurumende, uye mashandiro nemasimba emakurukota.

Zanu-PF inoti haisi kuzopedzisa nyaya idzi kusvika zvirango zvayakatemerwa nenyika dzakabudirira zvabviswa.

Asi mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kutarisirwawo kuita musangano wechimbichimbi nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, kuti vaone kuti vazadzisa zviri mugwaro iri zvakawiriranwa zvakaita senyaya dzeminda, mitemo yesarudzo, uye mitemo inosunga dare reparamende.

VaMsekiwa Makwanya vanooongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMakwanya vanoti VaMugabe vakasiyana nenyaya yezvirango zvinhu zvinogona kufamba.

XS
SM
MD
LG