Accessibility links

Breaking News

South Africa Yoshorwa neKudzika Mutemo Unonzi Unodzvinyirira Vatori veNhau


Masangano enhau muZimbabwe neChipiri akashora zvikuru paramende yemuSouth Africa nekupasisa bhiri reState Security Information Bill iro riri kushorwa nevakawanda kuti rinotyora kodzero dzevatori venhau uye kukurudzira huori muhurumende.

Paramende yeSouth Africa yakapasisa bhiri iri nemavhoti mazana maviri nemakumi maviri nemanomwe, ukuwo vanhu zana nemakumi manomwe vachiramba kuritambira.

Munyori mukuru mu ANC VaGwede Mantashe, vanoti mutemo uyu uchapa kuti vanhu vasafukure hapwa mukuchengetedza nyika. Vati vanhu vanenge vafukura hapwa vanofanira kuti varangwe.

Vamwe vashora mutemo uyu ndivaArchbishop Desmond Tutu, munyori ane mukurumbira pasi rose, Nadine Gordimer, uye hofisi yevaimbova mutungamiri weSouth Africa, VaNelson Mandela.

Vamwe varamba bhiri iri ndevemachechi, masangano evatori venhau, uye vakuru vemabhizimisi. Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti zvichaomera vari kurwira kodzero dzevanhu munyika kuti vati Zanu-PF ibvise mitemo yakaita seAIPPA nePOSA.

Munyori mukuru weZimbabwe Union of Journalists, VaFoster Dongozi, vanoti ANC yave kutevera munzira dzeZanu-PF dzekutyora kodzero dzevanhu.

VaDongozi vanoti zvinhu zvinovhundutsa zvikuru. Mashoko aya atsinhirwa nemupepeti mukuru webepanhau reSunday Times, VaMondli Makhanya, avo vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa neANC zvinopa kuti musouth africa muite huori sezvo panenge pasina anenge okwanisa kufumura zvinenge zvoitika nekuda kwemutemo uyu.

Sachigaro weMISA-Zimbabwe, VaNjabulo Ncube vanoti zvaitwa neSouth Africa zvinhu zvadzorera chimurenga kumashure mukurwira kodzero dzevanhu.

XS
SM
MD
LG