Accessibility links

Breaking News

South Africa Yoongorora Kuti Mudzimai wemuZimbabwe Akabva kuChina Ane Chirwere cheCoronavirus Here


Bazi rezvehutano rinoti rakumbira South Africa kuti iongororewo kuti chimwe chizvarwa cheZimbabwe chechidzimai chakabva kuChina chikasvika munyika neChipiri chine hutachiona wecoronavirus here kana kuti kwete.

Ongororo yakaitwa muZimbabwe neChina inoratidza kuti hachina. National Institute of Communicable Diseases yekuSouth Africa ndiyo ine humhizha kuchamhembe kweSouth Africa kuti ikwanise kuona kuti munhu abatwa nechirwere checoronavirus here.

Mudzimai uyu ari kuchipatara cheWilkins muHarare. Vanoona nezvezvirwere zvekutapurina mubazi rezvehutano Dr Portia Manangazira vanoti vari kutarisira kuti mukati memazuva mashanu vanenge vave kuziva kuti zvakamira sei.

Hurukuro naDr Portia Manangazira
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG