Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vashanu Vanofa Zvichitevera Mhirizhonga Iri Kuitika muSouth Africa


APTOPIX South Africa Unrest
APTOPIX South Africa Unrest

Mapurisa emu South Africa ashandisa zvombo zvemabara asingauraye senzira yekuti vanhu vanga vachiratidzira mumigwagwa yeAlexandria, vaparare.

Vanhu ava vanga vachiratidzira vachiti havadi kuti zvizvarwa zvedzimwe nyika zvinge zvichigara nekushanda munyika iyi.

Zvinonzi vanhu vashanu vafa mumhirizhonga iyi, uye vanhu vanodarika zana vasungwa munyika yose vachipomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga.

Mutungamiri we South Africa, VaCyril Ramaphosa, vashora zvikuru mhizhonga iri kuitika munyika mavo, vakati vachaita musangano negurukota rezvemapurisa, Va Bheki Cele, kuti patsvagwe nzira dzekugadzirisa dambudziko iri.

Va Cele vabvuma kuti kune vanhu vashanu vafa mumhirizhonga iyi.

Mumiriri we Zimbabwe mu South Africa, Va David Hamadziripi, vati havana ruzivo kana pavanhu vafa ava, pane zvizvarwa zveZimbabwe here kana kuti kwete.

Asi vavimbisa kuti vachaunganidza zvavanenge vawana vozivisa veruzhinji.

VaRamaphosa vati zviri kuitwa nezvizvarwa zve South Africa zvekurwisa nekushungurudza vabvakure, hazvisi zvinhu zvinokurudzurwa kuitwa.

Vati izvi zvinofanirwa kumiswa izvozvi, vachiti vanhu vemuSouth Africa vanogara kugara murunyararo.

Zvitoro zvevanhu vanobva kunze kwe South Africa zvakapwanywa kana kupiswa mudunhu reGauteng.

Ukuwu mutungamiri wedunhu re Gauteng, Va David Makhura, vashanyira musha weAlexandria neChipiri masikati vachiona kuparadzwa kwakaitwa zvitoro.

VaMakhura vakurudzira kuti mudunhu ravo muve nekugadzikana.

Zvichakadaro, gurukota rezvekudzivirirwa kweSouth Africa, Amai Nosiviwe Mapisa Nqakula, vati kuparadzwa kwezvitoro kwakanangana nekuzvibisa chimiro cheSouth Africa.

Mhirizhonga iyi inonzi yakatanga ku Tshwane svondo rapera, isati yapararira mu Johannesburg nenzvimbo dzakapoteredza guta iri.

Sachigaro weZimbabwe Exiles Forum, VaGabriel Shumba, vanoti vanhu vana varasikirwa nehupenyu pamusoro pevatatu vakashaya nemusi weMuvhuro, asi havazivi kuti vanhu vangani vanobva kuZimbabwe vangave vakabatwa nemhirizhonga iri.

VaShumba varatidzawo kushungurudzika nemaitiro emhuri yeZimbabwe iri muSouth Africa, iyo vati haina kubatana izvo zviri kupa kuti masangano anomirira zvizvarwa zveZimbabwe atadze kuve neruzivo pane zvirizvarwa zveZimbabwe zvinogona kunge zviri kuvhiringwa nemhirizhonga iyi.

VaShumba vakurudzira mhuri yeZimbabwe iri muSouth Africa kuti itumidzire padandemutare reZEF, kana vachinge vasangana netsaona munguva yemhirizhonga iyi.

Mukuru wesangano rinomiririra mabhizimisi emhuri yeZimbabwe mu South Africa, reProudly 263, VaStan Makwara, vanoti vanoshungurudzika nezviri zvikuru bezviri kuitika muSouth Africa sezvo zvichivhiringidza mabhizinesi pakati peZimbabwe neSouth Africa.

VaMakwara vaenderera mberi vachiti vari mubishi kuzivisa nhengo dzavo nzvimbo dziri kuitika mhirizhonga iyi kuitira kuti vagare vari kure.

Vatiwo sangano ravo riri kushanda nemuzinda weZimbabwe muSouth Africa pachitsvagwa nzira dzekupedza dambudziko iri.

Zvichakadaro, kune gwaro raburitswa riri kukurudzira zvizvarwa zvekunze, kuti zviratidzire mangwana, pamusangano we World Economic Forum on Africa, uyo uri kutanga nemusi weChitatu muguta reCape Town.

Ratidziro iyi, ichange iri yekukurudzira vatungamiriri venyika dzemuAfrica vachange vari pamusangano uyu, kuti vatore matanho akaomara kunyika yeSouth Africa nekutadza kwayo kwairi kuita kuremeredza kodzero dzevanobva kunze kwenyika iyi.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatove muCape Town kuti vazopinda mumusangano uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG