Accessibility links

Breaking News

South Africa Yokurudzira Zimbabwe Kuti Ive neMuyananisi Anobva Kunze kweNyika


Dialogue Emmerson Mnangagwa In Harare 1

South Africa nhasi yakurudzira Zimbabwe kuti ive namutongi gava wekunze panhaurirano pakati pemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nevatungamiri vemapato anopikisa.

Vachitaura pakuparurwa kwenhaurirano idzi uko kwaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa neChishanu, mumiriri weSouth Africa muZimbabwe, VaMphakama Mbete, vakurudzira kuti nhaurirano pakati paVaMnangagwa nevemapato anopikisa dzitungamirirwe namutongigava anobva kunze kwenyika.

Kurudziro yeSouth Africa iyi inouya panguva iyo mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vachiti vari kuda nhaurirano naVaMnangagwa asi nhaurirano idzi dzinofanirwa kuve nhaurirano dzinotungamirwa nemunhu anove mutungamiri weimwe nyika kana munhu akambotungamira imwe nyika.

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vaudza Studio 7 kuti nhaurirano dzaparurwa naVaMnangagwa hadzina zvadzinobatsira nadzo nyika vachiti gakava riri munyika riri pakati paVaMnangagwa naVaChamisa.

VaMafume vati hazvibatsire kuti VaMnangagwa vaite nhaurirano nevemapato madiki vachiti hapana chinofamba munyika kana gakava rezvakabauda musarudzo risina kugadziriswa.

Kunyange hazvo VaMnangagwa vasina kudoma zita raVaChamisa pakuparura kwavaita nhaurirano idzi, vakurudzira vemapato ose ari munyika kuti vapinde munhaurirano idzi vachiti chinangwa ndechekugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Mutungamiri weMDCT, Muzvare Thokozani Khupe, avo vapa mashoko ekupendera pakuparurwa kwenhaurirano idzi, vaudza Studio7 kuti zvakakosha VaChamisa vabatane nevamwe munhaurirano idzi.

Dzimwe nyanzvi dzevematongerwo enyika dzatataura nadzo parunhare dzati zvakakosha kuti VaMnangagwa vazvininipise vaite nhaurirano naVaChamisa vachiti nhaurirano dzavari kuita nevemapato madiki avari kuwirirana nawo hadzina chadzichabuditsa chinokwanisa kubuditsa nyika kubva mumadhaka mairi.

Nyanzvi idzi dzatiwo kuswerounganidza vemapato madiki ava kutambiswa kwemari yenyika kuri kuitwa naVaMnangagwa.

Asi vemapato madiki ava, avo vanga vari pamusangano uyu, vati zvakakosha kuti mapato anopikisa apinde munhaurirano idzi vachiti ndiwo mukana wekugadzirisa nyaya dzose dzinobata nyaya dzesarudzo pachine nguva.

Izvi zvastinhirwawo naVaWillard Mugadza, vanotungamira bato reBethel Christian Party, avo vaudzawo musangano uyu kuti nhaurirano idzi dzinofanira kutarisawo matambudziko akatarisana neveruzhinji munyika zvikurusei vechidiki.

Pamapato ose gumi nemanomwe asaina chibvumirano chemashandiro avachaita munhaurirano idzi, panga panewo mubatanidzwa wePeople’s Rainbow Coalition unotungamirwa naAmai Joice Mujuru wanga wakamirirwa naAmai Lucia Matibenga.

Patavabvunza kuti sei Amai Mujuru vasina kuuya pachiitiko ichi, Amai Matibenga vati havazivi.

Hatina kukwanisa kutaura naAmai Mujuru sezvo nharembozha yavo yanga isiri kupinda pataenda pamhepo.

Zvichakadai, VaMnangagwa vati hurumende yavo yakazvipira kunanaganisa mitemo yose nebumbiro remitemo uye serwiyo rwavanogara vachiimba, vakurudzira nyika dzekumavirira kuti dzibvise zvirango zvakatemerwa ivo nevamwe vavo vari muZanu PF

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG