Accessibility links

Breaking News

VaJacob Zuma Vava Muhusungwa Zvichitevera Kuzvipira kuMapurisa


Vaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, vakazvipira kumapurisa pakati pehusiku hwanezuro pasati papfuura vachitevedza mutemo zvichitevera kuwanikwa kwavakaitwa vaine mhosva yekuzvidza dare.

VaZuma vakabva pamuzinda wayo kuNkandla mudunhu reKwaZulu Natal nezuro manheru vachiperekedzwa nezvikakarara zvemotokari vachinozviisa mumaoko emapurisa kuitira kuti vatange kupika jeri pamhosva yavakawanikwa vainayo.

Sangano reZuma Foundation ndiro rakatanga kuzivisa nezvedanho rainge ratorwa naVaZuma, izvo zvazotsinhira nemutauriri weSouth African Police Services, Brigadier Vish Naidoo.

Kuzvipira kwaVaZuma kuenda kujeri kunoitika mushure mekusagadzikana muSouth Africa zvichitevera mutongo wavakapihwa.

VaZuma vakatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mitanhatu mushure mekunge vawanikwa vaine mhosva yekuramba kuteerera dare rakati vamiswe pamberi peZondo Commission iri kuferefeta huori hunonzi hwakaitika muhurumende kubva muna 2009 kusvika 2018, apo VaZuma vaive mutungamiri weSouth Africa.

VaZuma vanopinda munhoroondo kuva vaimbove mutungamiri weSouth Africa kutanga kusungwa achibva akandwa mujeri.

Nyanzvi munyaya dzemitemo uye vachishanda segweta muSouth Africa, VaChripen Machingura, vaudza Studio 7 kuti VaZuma vakaita zvakanaka kuzvipira kumapurisa nekuti zvinoratidza nyika yose kuti vanoremekedza mitemo yenyika.

VaMachingura vati izvi zvichabatsira VaZuma kuti vanzwirwe tsitsi uye kuti vakwanise kupiwa mikana inopiwa vasungwa yekudzikisa kupararira kwechirwere che Covid-19 mumajeri.

Asi VaMachingura vati havaoni VaZuma vachigara mujeri kwenguva yakareba, uye vanotarisira kuti mutungamiri wenyika, VaCyril Ramaphosa, vacharegerera VaZuma.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG