Accessibility links

Breaking News

South Africa Inoti Chibvumirano cheGPA Ngachiremekedzwe


South Africa inoti haisi kuzovhundutswa nemashoko eMDC neZanu-PF ekuti mapato aya haasi kuzodududza panhaurirano, ichiti uku kungotaurawo kwevanhu vezvematongerwo enyika.

Chipangamazano chemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti mapato ose anofanira kutevera chete zviri muchibvumirano che Global Political Agreement, kana kuti GPA.

NeSvondo imwe nhengo yeMDC, VaEddie Cross, vakayambira kuti hurumende yemubatanidzwa inogona kuparara kana misarisiridzwa yezviri kunetsa ikasagadziriswa nechimbichimbi.

Ukuwo Zanu-PF congress yemuna Zvita yakati hapana kudududza kwaichaita kusvika zvirango zvakatemerwa vakuru vebato iri zvabviswa. MuMDC munonziwo maita ropa rakaipa, vamwe vachiti nyaya iyi ngaichienda kuna VaZuma neSADC nekuti veZanu-PF havasi kuda kuti zvinhu zvibudirire.

Nyaya dzakonzeresa gakava pakati pemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, dzinosanganisira kusagadzwa kwemagavhuna eMDC mumatunhu akakunda bato iri, uye nyaya dzekugadzwa pasina kusumwa vamwe kwagavhuna webhanga guru renyika, pamwe nemuchuchusi mukuru wehurumende.

VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti zviri kutaurwa neSouth Africa zvekuti vanhu vatevedzere zviri muGPA ndizvo zvinofanira kuitwa.

XS
SM
MD
LG