Nhumwa dzemutungamiri weSouth Africa, VaJacob Zuma, dzinoti dzamirira kunzwa kuti zvinhu zvakafamba seyi kubva munhaurirano dziri kuitwa pakati pemapato ari muhurumende yemubatanidzwa.
Nhumwa idzi dzinoti dzakamira neshoko radzakatumwa naro naVaZuma rekuti dzipihwe gwaro rezvawiriranwa munhaurirano idzi. VaZuma vakaudza vatori venhau kuti mapato ari munhaurirano anofanirwa kunge apeta nhaurirano idzi nemusi wa 30 Kurume, kuitira kuti gwaro raburitswa rizosvitswa kwari nemusi wa 31 Kurume.
Nhumwa dzaVaZuma dzinotiwo hadzisi kutirimuka nemashoko emutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nebato ravo reZanu-PF ekuti hapana zvakatenderanwa pakauya VaZuma.
Chipangamazano chaVaZuma, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti zviri kutaurwa neZanu-PF zvekuti hapana chakawiriranwa pakauya VaZuma, zvinhu zviri kubuda mumapepanhau uye havasati vazviudzwa.
Vatiwo havasati vaudzwawo zviri pamutemo nevari muhurukuro kuti nhaurirano idzi dzichati nonokei.
Muzvare Zulu vanoti vari kutarisira kuita hurukuro manheru eChipiri nevari kutungamira nhaurirano idzi, kuitira kuti vapihwe gwaro rekunopa VaZuma, mutongi gava panyaya yeZimbabwe.
Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti zvichati netsei kupedza nhaurirano munguva yakatarwa naVaZuma sezvo paine zvakawanda zvichiri kunetsa.
Zvimwe zviri kutaurwa zvichitemesa musoro inyaya yekuvandudza mitemo yesarudzo, mitemo yekudzivirirwa kwenyika, mitemo yedare remakurukota uye nyaya yeminda.
VaMugabe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vari kunetsana pamusoro penyaya yagavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono, avo vakagadzwa naVaMugabe vega zviri kunze kwechibvumirano cheGlobal Political Agreement. Vaviri ava vari kunetsanawo panyaya yemuchuchisi mukuru wenyika, VaJohannes Tomana, avo vakagadzwa naVaMugabe vasina kusuma vamwe vavo.
Dzimwe nyaya dziri kunetsa pakati pevaviri ava inyaya dzemagavhuna ematunhu enyika, kusagadzwa kwaVaRoy Bennett semutevedzeri wegurukota rezvekurima, nedzimwe.
Asi zvinonzi pawiriranwa kuti VaGono, vasiye basa uye kuti VaBennett, vatoreswe mhiko asi vasiri mubazi rezvekurima.
Asi vakaoma musoro muZanu-PF vari kuti kana nyaya yezvirango isati yapetwa hapana chinofanira kubvumwa nevari kumiririra Zanu-PF kunhaurirano idzi.
VaCharles Mangongera vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaMangongera vanoti veZanu-PF vakaramba vakatsika madziro nyaya iyi inofanira kuendeswa kuSADC.