Accessibility links

Breaking News

South Africa Inoti Haisi Kuwedzera Nguva paNyaya yeMagwaro


Bazi rezvemukati menyika muSouth Africa rinoti harisi kuzowedzera mazuva ekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvisina magwaro zviri munyika iyi, zvikwanise kubatsirwa, kana mazuva akatarwa apfuura.

South Africa yakapa zvizvarwa zveZimbabwe zvisina magwaro ekugara munyika iyi mwedzi mitatu kusvika kupera kwaZvita, kuti zvinge zvagadzirisa magwaro azvo.

Zvinonzi vanhu vari kuda kubatsirwa kuwana magwaro aya vari kuwandisa zvikuru, izvo zvava kupa kuti vamwe varare pamahofisi anopa magwaro aya. Izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nenyaya yevanhu vari kutya kuti nguva yakatarwa iyi ishoma.

Ukuwo, hurumende yeZimbabwe inonzi haisati yatumira kuSouth Africa vashandi vachanobatsira vasina mapasipoti. Studio7 yaedza kubata Registrar-General, VaTobaiwa Mudede, kuti tinzwe kuti vashandi ava vachaenda riini kuSouth Africa, asi vadaira nhare vati tigovafonera zvakare neChina.

Studio7 yatadzawo kubata makurukota ezvemukati menyika, VaKembo Mohadi, naAmai Theresa Makone, kuti tinzwewo divi ravo.

Sachigaro weMDC Veterans Activists Association, VaSolomon Sox Chikowero, vaudza Studio7 kuti hurumende yeZimbabwe ndiyo iri kurasisa zvizvarwa zvayo, sezvo isina zvayati yaitawo panyaya iyi.

XS
SM
MD
LG