Accessibility links

Breaking News

South Africa Inoti Chirongwa Chekunyoresa Chinopera Kupera kwaZvita


Hurumende yeSouth Africa inoti vanhu vese vemuZimbabwe vari kugara munyika iyi zvisiri pamutemo, vanofanirwa kuona kuti vanyoresa mukati menguva yakatarwa kuitira kuti vagowana magwaro ekushanda pamwe nekugara zviri pamutemo munyika iyi.

South Africa yakapa 31 Zvita sezuva rekupedzisira, kuitira kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvinyorese. Chirongwa cheSouth Africa che Zimbabwe Dispensation Program, icho chinodaidzwa zvakare nerekuti Zimbabwe Documentation Program, chiri kuitwa senzira yekupa mukana vana veZimbabwe wekugara munyika iyi zviri pamutemo.

Kana chirongwa ichi chikabudirira, South Africa inoti ichaitawo chirongwa chakadai kuzvizvarwa zvedzimwe nyika zviri muSouth Africa.

Mutauriri webazi rezvemukati meSouth Africa, Va Ronnie Mamoepa, vaudza vatori venhau neMuvhuro kuti mazuva ekuti zvizvarwa zvemu Zimbabwe zvigadzirise magwaro azvo, haasi kuzowedzerwa.

Imwe nhengo yeMDC inotungamirwa naVa Arthur Mutambara mu South Africa, Va Jabulani Masuku, vanoti bato ravo raswera neMuvhuro richabatsira zvizvarwa kuti zvinyorese.

XS
SM
MD
LG