Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weSouth Africa, VaRamaphosa, Vanonyevenutsa Mutemo weLockdown Kuenda paLevel 1


Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa vakazivisa nezvekunyevenutsa kwavo mutemo unorambidza vanhu kufambafamba.
Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa vakazivisa nezvekunyevenutsa kwavo mutemo unorambidza vanhu kufambafamba.

Mutungamiri weSouth Africa, VaCyril Ramaphosa, neSvondo manheru vakazivisa nezvekunyevenutsa kwavo mutemo weCovid-19 Lockdown kubva pachikamu chetatu, kana kuti Level 3, kudzika kuenda pachikamu chakareruka chekutanga, cheLevel 1 kutanga pakati peusiku Svondo yakare.

VaRamaphosa vakati vakatora danho iri mushure mekuona kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 hwakanga kuchidzikira, unove munongedzo wekuti nyika yakanga yabuda muchikamu chepiri chedenda iri.

Vakati kudzoka kwenyika kuchikamu chekutanga cheLevel 1 kunoreva kuti mitemo yose yakanga yasara ichisunga nyaya dzevzehupfumi yabviswa, izvo zvichasimudzira hupfumi hwenyika iyi.

Mutemo mutsva uyu wave kurevawo kuti vanotengesa doro vave kubvumidzwa zvakare kutanga kutengesa vachingotevera zvinodiwa nemarezinesi avo.

Nguva dzinorambidzwa vanhu kufambafamba dzakanyevenutswaso kuti dzichitanga pakati peusiku kusvika na 4 dzemangwanani, uye nguva iyi haibvumidzwi kuti doro ringe richitengeswa.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paTswane University of Techonology, Doctor Ricky Mukonza, vanoti danho rakatorwa naVaRamaphosa iri richabatsirawo zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika zvakanga zvambomiswa mabasa kuti zvikwanisewo kudzokera zvakare kumabasa.

Hurukuro naDoctor Ricky Mukonza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG