Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voshora Zvikuru Mauto Anoshungurudza Vanhu Munyika


Soldiers beat a supporter of the opposition Movement for Democratic Change party of Nelson Chamisa outside the party's headquarters as they await the results of the general elections in Harare, Zimbabwe, Aug. 1, 2018.
Soldiers beat a supporter of the opposition Movement for Democratic Change party of Nelson Chamisa outside the party's headquarters as they await the results of the general elections in Harare, Zimbabwe, Aug. 1, 2018.

Vamwe vanhu vanoti zororo reDefence Forces Day harina zvarinoreva kwavari zvikuru panguva ino apo vamwe vechiuto vari kunzi ndivo vari pamberi panyaya dzekushungurudzwa kweveruzhinji munyika.

Vamwe vataura neStudio 7 vati havakoshesi zororo reDefence Forces Day
nekuti harina zvikuru zvarinoreva kwavari.

Mumwe mugari wemuguta reBulawayo, uye vakamboshanda muchiuto, VaMose Kumbweya, vanoti vechiuto vakakosha zvikuru sezvo vachishanda
mukuchengetedza nyika.

Asi vati vanhu vakawanda havana basa nezuva rekucherechedza kukosha kwevechiuto kunyanya pari zvino nekuti vechiuto ava ndivo vari kuwanikwa vari pakati pekushungurudza veruzhinji.

Mumwewo wechidiki anove murwiri wekodzero dzemadzimai, Muzvare Tinaye Sibanda, vati panofanirwa kuve nekudyidzana kwanakana pakati peveruzhinji nevechiuto.

Asi vati izvi zvinoitika chete kana mauto akasiya tsika yavati vave nayo yekubata veruzhinji sezvinonzi imhandu dzavo.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaObey Shava, vanoti vari kushushikanawo nekuti mauto ari kuwanikwa ari munyaya dzekumbunyikidza kodzero dzevanhu.

Vati bumbiro remitemo yenyika rinobudisa pachena kuti panofanirwa kuve
nechikamu chehurumende chinoita kuti veruzhinji vakwanise kumhang’a
rira mauto kana mapurisa anenge atyora kodzero dzavo asi izvi hazvisati zvaitwa.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi. Asi vachitaura
kumapepanhau ehurumende pakupera kwesvondo, munyori mubazi
rezvekubudiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vakati zvinhu zvinogona
kuwanikwa kuti vechiuto vanogona kutyora kodzero dzevanhu mukuita basa
ravo vachiti izvi zvinhu zvinowanikwa chero kunyika dzakaita
seAmerica.

Nhengo yeboka reCentral Committee yebato reZanu, PF, VaJoseph Tshuma,
vati kunogona kuve nemauto mashoma ari kutyora kodzero dzevanhu,
asi izvi hazvifanirwe kupa zita rakaipa kune vechiuto vachiti nhengo
dzechiuto dzinotyora mitemo dzinofanirwa kurangwa nemitemo yenyika.

Vati mauto emuZimbabwe anoziikanwa nekuita basa nemazvo paanosibatsira kuchengetedza runyararo pasi pezvirongwa zvesangano reUnited Nations.

Pave nenguva yakareba mauto achipomerwa mhosva ekumbunyikidza kodzero dzevanhu.

Muna 2018, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakaumba komisheni yaitungamirwa nevaimbove mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, zvichitevera kuuraiwa kwevanhu vatanhatu pakuratidzira kwakaitika mushure mesarudzo.

Komisheni iyi yakabudisa pachena kuti vanhu ava vaive vapfurwa
nemasoja ikakomekedza kuhurumende kuti vakaita izvi varangwe uyewo
kuti mhuri dzevakaurayirwa hama dzavo nevakakuvara varipwe.

Asi gwaro rakabudiswa nesangano reZimbabwe Human Rights Association kana kuti ZimRights, munguva pfupi yapfuura rinoratidza kuti izvi hazvisati zvaitwa.

Asi gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakati hurumende ine hurongwa hwekuona kuti yatevedzera zviri mugwaro raVaMotlanthe, kunyange hazvo isati yatanga kuita izvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG