Accessibility links

Breaking News

Vabereki Vokurudzira Kuvhurwa kweZvikoro


Schoolchildren wait to enter their school in Harare, Zimbabwe, Monday Sept, 28, 2020. Zimbabwe schools have reopened in phases, but with smaller number of pupils, more teachers and other related measures to enable children to resume their education withou

Vamwe vanhu vakawanda munyika vari kukurudzira kuti zvikoro zvivhurwe sezvo huwandu hwevanhu vari kurwara nekufa nechirwere cheCovid-19 hwaderera.

Mumwe wevanhu ava, Muzvare Rudo Magwanyata, avo vanoshanda nesangano rinorwira kodzero dzevanasikana, Shamwariyemwanasikana, vati kuvharwa kwezvikoro kuri kupa mukana wekuti vanasikana vaite zvepabonde nekubata pamuviri

Muzvare Magwanyafa vawedzerawo vachiti kuvharwa kwezvikoro uku kuri kuwedzerawo kusarira shure kwevana vanobva kumhuri dzinoshaya avo vasiri kukwanisa kuita zvidzidzo zvepamadandemutande.

Imwe nyanzvi munyaya dzebudiriro yevana, Amai Chinga Govhati, vatiwo kunyange hazvo zvakakosha kudzivirira denda reCovid-19, hurumende inofanirwawo kuzadzisa kodzero dzevana dzekuwana dzidzo.

Amai Govhati vakurudzirawo kuti muzvikoro muiswe zvekushandisa zvakakwana zvinoita kuti zvikoro zvikwanise kurwisa denda reCovid-19.

Munyori mukuru musangano rinomirira vadzidzisi vekumaruwa re Almagamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaRobson Chere, vatiwo mushure memakore maviri denda iri ravako, vanga vaine tarisiro yekuti hurumende inge yagadzirisa nyaya yezvikwanisiro muzvikoro pamwe nenyaya yemihoro yavadzidzi.

Mutungamiri wesangano reMedical and Dental Private Practitioners of Zimbabwe Association, Dr Johannes Marisa, vatiwo chirwere ichi chadzikira zvekuti zvikoro zvinogona kuvhurwa.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vati havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi sezvo sebazi vachitevedzera zvinenge zvataurwa nemutungamiriri wenyika.

Asi mukuru anoona nezveCovid-19 munyika, Doctor Agnes Mahomva, vaudza Studio7 kuti zvikoro zvichavhurwa chete kana hurumende yagutsikana kuti vadzidzi nevarairidzi havazopindi mudambudziko rechirwere cheCovid-19.

Hurumende yakawedzera nemasvondo maviri kuvharwa kwenyika, izvo zvakaita kuti zvikoro zvisavhurwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG