Accessibility links

Breaking News

Ratidziro yeKutsigira Ishe Ndiweni Inoitwa Pasina Mhirizhonga muBulawayo


Chief Felix Nhlanhlayamangwe Ndiweni
Chief Felix Nhlanhlayamangwe Ndiweni

Kuratidzira kwekutsigira Ishe Ndiweni kwaenderera mberi neChishanu muBulawayo mapurisa akavachengetedza panzvimbo yaungana vanhu ava kuitira kuti pasaite mhirizhonga.

Vanhu vange vasingapfuuri makumi maviri vaungana pachiumbwa chamushakabvu Joshua Nkomo vachiimba pamwe nekupa mashoko erutsigiro kwenguva inoda kusvika awa rimwe chete.

Kunyange hazvo mapurisa ange ari mumotokari dzekudzivirira mhirizhonga ange achitenderera panzvimbo iyi, kuratidzira uku kwaenderera mberi zvisina mhirizhonga mukati.

Mumwe wevarongi vekuratidzira uku, VaJosphat Ngulube, vati havana kuzokwanisa kufora mumugwagwa sezvavange vakaronga vachiti vatyira kuti hurongwa hwavo hwaizogona kuvhiringidzwa nevamwewo vanhu.

Vatiwo vafara kuti vakwanisa kuratidza rutsigiro rwavo kuna Ishe Ndiweni zvisinei kuti pange pane vanhu vashoma.

Ishe Ndiweni vakakonzera mutauro munyika munguva pfupi yapfuura mushure mekunge vakurudzira kuwedzerwa kwezvirango kuhurumende vachiti haizi kuchengetedza mitemo yenyika.

Izvi zvinotevera kugovewa kwerimwe purazi riri munzvimbo mavo kwavanoti kwakaitwa zvisiri pamutemo.

Mukati mepurazi iri mune gomo reNtabazinduna iro Ishe Ndiweni vanoti rakakosha zvikuru kuvanhu verudzi rwechiNdebele.

Mushure memashoko avo, Ishe Ndiweni vakanyombwa nevamwe vakuru vakuru vehurumende uye vakadawo kutorerwa motokari yavo nevamwe vechidiki vanofungidzirwa kuti ndeveZanu PF.

VaNgulube, avo vakakwikwidza vakazvimirira vega kuve mumiriri weBulawayo South vakakundwa, vati zvakakosha kuti hurumende iremekedze madzishe ose munyika isingavapinze mune zvematongerwo enyika.

Gore rapera, nhengo yeZanu PF, Ishe Fortune Charumbira, vakaudzwa nedare repamusoro kuti havafanirwe kunge vachiita zvematongerwo enyika mushure mekunge vabuda pachena kuti madzishe ose aifanirwa kutsigira Zanu PF.

Asi pakataura Ishe Ndiweni pfungwa dzavo, vakabva vatanga kunyombwa vachinzi vakanga vava kuita zvematongerwo enyika izvo zvisina kuitika kuna Ishe Charumbira.

Bumbiro remitemo wenyika rinobudisa pachena kuti madzishe haafanirwe kuita zvematongerwo enyika asi madzishe akarerekera kuZanu PF anoita pamadiro aJojina pasina zvaanoitwa kunyange hazvo paine mitongo yematare inovarambidza kuita izvi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG