Accessibility links

Breaking News

Mamwe Madzimai Oita Gumbo Mumba Gumbo Panze Kuitira Kuti Awane Chikafu kuChimanamani


CYCLONE IDAI Salvation Army Prayer
CYCLONE IDAI Salvation Army Prayer

Mamwe madzimai ekuChimanimani anonzi ave kuita chipfambi nemasoja ari kuona nezvekufambiswa kwechikafu munzvimbo iyi nepamusana penzara inonzi yatekeshera munzvimbo iyi zvichitevera mafashamu eCyclone Idai.

Vagari vekuno kuChimanimani vanoti nzara yapfunya chisero munharaunda mavo izvo zvave kupa kuti vashaye chekubata zvichitevera mafashamu eCyclone Idai ayo akaveredza chikafu chavo chose, mbatya, zvipfuwo pamwe nedzimba.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, Amai Revai Jopa, vanoti kubudikidza nekushaya chokudya, madzimai mazhinji ave kutoita gumbo mumba gumbo panze nemasoja ari kuona nezvekugoverwa kwechikafu kuitira kuti vagozopihwa chikafu pachinenge chogoverwa.

Izvi zvatsinhirwawo nemumwe mugari wemubhuku rekwa Manzou muSkyline makare uyo aramba kudomwa zita rake pamhepo.

Mugari uyu ati zvakakosha kuti vagari vapihwirwe chikafu munzvimbo dzavanogara vachiti izvi zvinoita kuti madzimai asafambe mitunhu yakareba yaanosangana nemasoja ovavhevhetedza kuita chipfambi.

Sabhuku wenzvimbo iyi, VaCharles Manzou, vanoti vave kutyira kuti dzimba zhinji dzichaparara kubudikidza nechipfambi ichi chinonzi chave kuitwa nemamwe madzimai muno muChimanamani anonzi anenge achishuzhira mhuri dzawo dziri kuziya nenzara.

VaManzou vanoti vave kutyira zvakare kupararira kwezvirwere zvepabonde pamwe nechirwere cheshuramtongo kubudikidza nechipfambi chinonzi chiri kuitwa ichi.

Zvichakadai, vamwe vashandi vesangano reNational Aids Council vari muChimanimani avo vati havana mvumo yekutauranneStudio7 vanoti vakauya nemurwi wemakondomu kuitira kuti vazopa vagari vemuno kuitira kuti vadyire zvihwitsi zvavo mumapepa.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemasoja, VaAlphios Makotore, kuti tinzwe divi remasoja panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG