Accessibility links

Breaking News

Vagari Vooneswa Ndondo neMasoja kuBulawayo


Zimbabwe Fuel Protests
Zimbabwe Fuel Protests

Vamwe vagari vemuBulawayo varohwa nemasoja ayo ange achivamanikidza kubvisa matombo nezvimwe zvinhu zvakaiswa mumigwagwa kudzivirira motokari kuti dzisafamba.

Vamwe vevanhu ava vagari vemumusha unogara veruzhinji weSizinda avo vataurira Studio 7 kuti masoja aya ange achipinda mudzimba dziri pedyo nemugwagwa mukuru unobva mudhorobha uchipinda munzvimbo iyi, vachivamanikidza kuti vabvise matombo, matayi nezvimwe zvange zvakadzivirira migwagwa.

Mumwe mukweguri uyo atiwo amanikidzwa kuchenesa mugwagwa, ati zvamushamisa kuti kune munhu akwegura saiye angabatwa nenzira yakadaro.

Mukweguri uyu, uyo asina kudawo kudomwa nezita, ati zviri pachena kuti kuratidzira kuri kuita vanhu, kuri kukonzerwa nekutambura kuri kuita ruzhinji munyika, akatiwo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, havafanirwe kuve vari kunze kwenyika panguva yakadai.

Vanoziva zviri kuitika vaudza Studio 7 kuti kurohwa kwevanhu nekumanikidzwa kubvisa zvinhu mumigwagwa nemasoja, kwaitikawo kuGwabalanda nekuMagwegwe.

Mumwewo mugari angozvidoma nezita rekuti TK ati haawone chikonzero chekuti masoja arove vanhu nekuti vanhu havana mhosva nawo.

Vakakwikwidza vakazvimirira vega vakakundikana kuve mumiriri weSizinda musarudzo dzegore rapera, VaJosphat Ngulube, vaudza Studio 7 kuti kubvira pakatanga kuratidzira nemusi weMuvhuro, vange vachibatsira kuendesa vanhu vakasiyana siyana kuchipatara, kusanganisira mumwe arohwa nemasoja neChitatu masiakati, pamwe nemumwe wavati akazosvika kuchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals afa nekurasikirwa neropa rakawanda mushure mekukuvara mukutsikirirwa paitorwa zvinhu pane chimwe chitoro muSizinda mekare.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumapurisa kana kumasoja panyaya iyi.

Asi vachitaura panhepfenyuro yeZTV neChipiri gurukota rezvekufambiswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vakazivisa kuti kune vanhu vana kusanganisira mupurisa akarohwa mumusha weEntumbane vaive vafa.

Mutauriri weZanu PF, VaSimon Khaya Moyo, vati mhirizhonga iri kuitika munyika iri kukonzerwa neMDC.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaJacob Mafume, vati zviri kutaurwa neZanu PF ndezvemugotsi matsuro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG