Vemabhizinesi madiki nemamwe achiri kusimukira vanoti vari kufara nechirongwa chebhanga guru renyika chekuti vakwanise kukwereta mari vachishandisa midziyo yavo sechibatiso.
Izvi zvabuda pamusangano wezuva rimwe chete wapindwa nevamabhizinesi madiki uyo waitirwa kwaMutare.
Vachitaura mushure memusangano uyu, mumwe muzvinabhizinesi, VaSondon Mugaradzoko, vati danho riri kutorwa nebhanga guru renyika richishanda nesangano reZimbabwe Association of Micro Finance Institutions, Zamfi, richabatsira zvikuru, sezvo mabhanga mazhinji achiomesera mabhizinesi madiki kana achida kukwereta mari kumabhanga aya.
Mumwe apindawo mumusangano uyu, VaPeter Mavhiri, vatiwo kushandiswa kwezvipfuyo kunopa kuti vekumaruwa vakwanise kukwereta sezvo vasina maTitle Deeds pazvivakwa zvavo.
Mukuru we Zamfi, Va Godfrey Chitambo, vanoti sangano ravo, iro rine nhengo zana neshanu, rakatanga hurongwa uhu mushure mekunge raona matambudziko ari kusangana nevemabhizinesi madiki ekuti vawane mari yekusimudzira mabasa avo apo vanenge vasina zvibatiso zvinodikanwa.
Mumiriri webhanga guru renyika pamusangano uyu, Amai Grace Chiromo, vati kurerutsa kuwanikwa kwezvikwereti kuchapa budiriro munyika.
Vatiwo vari mushishi kuti pave nemutemo wekutambira zvibatiso zvitsva izvi kuitira kuti zvicherechedzwe pazvibvumirano zvekukweretesana.
Vanhu vangangosvika makumi manomwe vapinda mumusangano uyu, uye mumwe musangano wakadai uchaitwa kuMasvingo neBulawayo svondo rinouya.
Facebook Forum