Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weMDC 99 Obvunzurudzwa neMatikitivha


MDC 99 leader Job Sikhala
MDC 99 leader Job Sikhala
Mutungamiri we MDC 99, Va Job Sikhala, vanoti vashanyirwa nematikitivha neMuvhuro mangwanani vakabvunzurudzwa nenyaya yekuti vari kufungidzirwa kuti vange vachida kukurudzira vagari vemuChitungwiza kuti varatidzire kusafarira hurumende iripo.

Asi VaSikhala vanoti mushure mekunge vatsanangurira matikitivha aya kuti vange vasina chekuita nenyaya iyi, asi kuti vange vachikurudzira hurumende kuti igadzirise nyaya yemvura yanetsa muguta iri, matikitivha aya avasiya achiti achambonoferefeta nyaya iyi.

VaSikhala vanoti vagari vemuChitungwiza vaneta nekugara vachinwa mvura yakasviba uye vachigara munzvimbo dzine masuweji akaputika kwemakore akawanda apfuura.

VaSikhala vanoti hurumende ichikurudzirwa nemutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe, inofanirwa kugadzirisa nyaya yemvura nechimbi chimbi nekuti vanhu vari kutyorerwa kodzero dzavo dzekuwana mvura yakachena.

VaSikhala vanoti dambudziko iri rikaramba riripo chirwere chekorera nezvimwe zvirwere zvemanyoka zvakambonetsa munguva yapfura nepamusana pekushaikwa kwemvura zvinogona kudzoka zvakare.

VaSikhala vanoti dambudziko rekushaikwa kwemvura muChitungwiza ndeyemunhu wese anogara muguta iri uye vamwe vave kutochera mvura mumigodhi isina mvura yakanaka kana madhamu ari pedyo sezvo mapombi ari mudzimba dzavo asiri kubuditsa mvura inonwika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG