Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 29, 2019


Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 29, 2019
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutungamiri weMDC. VaNelson Chamisa. Vari kukumbira nyika dzekunze kuti dzipindire munyaya yeZimbabwe zvichitevera kusungwa kuri kuramba kuchiita vanhu vanosanganisirawo nhengo dzebato ravo mushure mekuratidzira kwakaitika munyika masvondo maviri adarika.

Magweta ari musangano reLaw Society of Zimbabwe anoratidzira achiti haasi kufara nekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhumunyika nemapurisa nemasoja

Murongi wemisangano muMDC inotungamirwa naVaChamisa, VaAmaos Chibaya, vanopihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

Kusawirirana kwobuda musangano revashandi vehurumende, re Apex, padanho rekutora zvichitevera kukundikana kuwirirana kwesangano iri nehurumende panyaya dzemihoro.

Vateveri vemutambo wenhabvu vari kushushikana nekupetwa kaviri kwaitwa mari yavari kufanirwa kubhadhara kuona mutambo weAfrica Cup of Nations pakati peZimbabwe neCongo Brazzaville musi wa 24 Kurume

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm tiri kurangarira mabasa akaitwa naOliver Mtukudzi, uyo akaitwa gamba renyika, uye zvaakaitira vechidiki muhupenyu hwavo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG