Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti hurumende yavo ichavandudza zvinhu munyaya dzehupfumi, kusimudzira kutengeswa kwezvinhu kunze kwenyika, uye kukwezha vekunze kuti vatange mabhizinesi muZimbabwe.
Mapato anopikisa otaura pamusoro pe state of the nation yaitwa naVaMnangagwa nhasi.
Masangano akazvimirira otaura pamusoro pekusarudzwa kwaVa Cyril Ramaphosa semutungamiri mutsva webato re African National Congress.
Mapurisa anoita hurukuro nevatori venhau pamusoro pezvinyunyuto zvevatori venhau vanoti havasi kubatwa zvakanaka nemapurisa.
Mabhodha ozara nevanhu vari kuenda kunotambira kumusha zororo rekisimusi negore idzva.
Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa hukama hweZimbabwe nedzimwe nyika, zvikuru America.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.
Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.
Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.
Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/
Facebook Forum