Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 15, 2017


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7
Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita 15, 2017
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zanu PF inopeta kongiresi yayo yechimbi chimbi ichitambira VaEmmerson Mnangagwa semutungamiri webato, uye semunhu achamirira bato musarudzo yemutungamiri wenyika gore rinouya.

VaMnangagwa vanoti vacharemekedza kodzero dzemunhu wese kusanganisira kuremekedza kodzero dzevanhu dzekutsvaga munhu wekudanana naye pasina rusarura, danho riri kuonekwa semutsauko mukuru kubva kuna VaRobert Mugabe avo vaigara vakashora ngochani.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, Retired Major General Sibusiso Moyo, vanoti basa ravo guru ndere kugadzirisa hukama hweZimbabwe nedzimwe nyika kuitira kuti pave nekudyidzana kwakanaka pakati peZimbabwe nenyika dzepasi rose.

Zifa yoyambira vatambi venhabvu vezvikwata zvepamusoro kuti vasapinde mumitambo yemagungano yemitambo yevanomwa doro, kana kuti Boozers’ Soccer panguva ino yezororo.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm, tiri kutarisa zviri kubuda kumusangano weZanu PF extra – ordinary congress.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG