Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Zvita 23, 2021  


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu vapfumbamwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vanhu chiuru chimwe chete nemazana matanhatu nemakumi matatu nevatanhatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Kanzuru yeHarare inoti yawedzera nzvimbo dzekubayira vanhu nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Vanhu vakawanda vanoti vachatadza kutamba kisimusi zvakanaka gore rino sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka kwavari munyaya dzemari.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vanoti kunyange hazvo gore rino ranga rakaoma munyaya dzehutano, hupfumi pamwe nezvematongerwo enyika, veruzhinji vanofanirwa kuva netariro yeremangwana rakanaka.

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vopesana maonero pamashoko emutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, ekuti madzishe haafanire kushora mutungamiri wenyika.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na 8pm tiri kutarisa gadziriro dzezuva reChristmas panguva iyo nyika iri kurwisa denda reCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose. Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG