Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Zvita 07, 2021


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro uye vanhu zviuru zviviri nemazana mashanu nemakumi mashanu nevashanu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Kanzuru yeHarare inoti iri kupinza basa vakoti vanodarika mazana matatu nevamwe vashandi vehutano muzvipatara nemakirinika ayo ichiti iri kuita izvi kuitira kuti vagari vemuguta vawane hutano hwakanaka.

Vagari vekuMasvingo vodyira kanzuru yavo marasha mushure mekunge yatengesa bhazi rekanzuru nemari inota zviuru makumi maviri zvemaRTGS vagari vachiti mari iyi ishoma zvikuru.

Mapazi akawanda ehurumende anoti mari dzaari kutarisira kupihwa mubhajeti ra 2022, ishoma zvikuru uye hurumende inofanirwa kuona kuti gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vazadzisa kupa mapazi mari dzavanenge vavimbisa izvo vari kutadza kuita mumabhajeti apfuura.

Madzimai akawanda ochema chema achiti ari kushungurudzwa zvakanyanya pamadandemutande achipa zvikonzero zvekuti izvi zviri kuitwa kweari nekuti vanhukadzi.

Vamwe varimi mudunhu reMashonaland West vanoti vave kutyira kuti mvura ichatadza kunaya zvakanaka gore rino asi vamwe vanoti vane tarisiro yekuti mvura ichanaya sezvo mwaka yashanduka.

Kunyange hazvo zvikwata zvemuPremeir Soccer League zvakatarisana nedambudziko rechirwere cheCovid-19, mitambo yemugungano iri kuenderera mberi.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munguva ino Zimbabwe yakatarisana nemhando itsva yeCovid-19 yeOmicron variant pamwe nezviri kuitika munyaya dzekodzero dzevanhu.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG