Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Mbudzi 26, 2021 


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid nezuro zvabva zvasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi muZimbabwe pazviuru zvina nemazana manomwe nevana.

Hurumende yeBritain inozivisa kuti yambomisa kuti ndege dzinobva muZimbabwe nedzimwe nyika shanu dziri kuchamhembe kweAfrica kuti dzimhare munyika iyi kusvika nemusi weSvondo zvichitevera kuwanikwa kweimwe mhando yehutachiwana hweCovid 19 kuSouth Africa nekuBotswana.

Vamwe vagari vemuBulawayo vanotambura vari kuwana raramo pasi pechirongwa chinovabatsira kuwana chikafu, mishonga nezvimwe, chichibatsirawo vamwe vemabhizimisi madiki kuti vawane vanhu vanotenga zvinhu zvavo.

Vagari vemudhorobha reMasvingo vanoti havasi kufara nehurongwa hwekanzuru yavo hwekuda kutengera vakuru vakuru mukanzuru iyi midziyo yemahofisi nemari inoita mamiriyoni zana nemakumi matanhatu emadhora emaRTGS panguva iyo kanzuru iri kutadza kugadzirisa kugadzirisa dambudziko remvura

Sangano reNational Association of Youth Organisation rinoparura zvekare chirongwa cheLeave No Youth Behind 2023 icho chine chinangwa chekuwedzera huwandu hwevechidiki vachavhota nekukwikwidza musarudzo dza2023.

Sangano rinoona nezvechirwere cheHIV/Aids munyika reNational Aids Council rinoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere ichi huri kudzika kunyange hazvo vanhukadzi vari pamberi mukubatwa chirwere ichi.

Muchirongwa cheLiveTalk na 8pm tiri kutarisa zviri kuitika munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG