Accessibility links

Breaking News

Misoro yenhau, Muvhuro, Gumiguru 18, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Bazi rezvehutano rinoti munhu mumwe chete akafa nechirwere cheCovid-19 nezuro.

Kanzuru yeHarare inoti nekuda kwekuderera kwevanhu varikubayiwa nhomba yeCovid-19 yave kufamba mumisha ichikurudzira vanhu kuti vabayiwe nhomba.

Vamwe vashandi vehurumende voenda kubasa kunyangwe vange vanzi vasauya kana vasina kubayiwa nhomba yeCovid-19.

General Colin Powell avo vakava munhu mutema wekutanga kuva gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica vashaya nhasi mushure mekurwara nechirwere cheCovid-19.

Nhumwa yeUnited Nations, Amai Alena Douhan, vatanga kushanya kwavo munyika nhasi apo vachange vachiongorora nyaya dzezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende nevavanodyidzana navo pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika.

Munhau dzemitambo, zvikwata zvinomwe kusanganisira Dynamos neHighlanders zvave netikiti rekupinda mumakota fainari eChibuku Super Cup.


Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yechirwere cheCovid-19, uye kushanya kwenhumwa yeUnited Nations munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG