Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Gunyana, 20, 2021


Shona Headlines
Shona Headlines

Bazi rezvehutano rinoti nezuro vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 zvasiya huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi kubva zvachatanga kupararira hwave zviuru zvina nemazana mashanu nemakumi matanhatu nemanomwe kana kuti 4, 567.

Vari kudzidzira hurairidzi paBelvedere Teachers College gumi nemumwe vosungwa vachitsutsumwa nekudzingwa kuri kuitwa vasati vabhadhara mari dzechikoro.

World Health Organization kana kuti WHO inoti Zimbabwe imwe yenyika shoma mudunhu reAfrica yakwanisa kubaya vanhu nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19 zvikamu gumi kubva muzana sezviri kutarisirwa nebazi reunited Nations iri kuti nyika dzose dziite mwedzi uno paunopera.

Sarudzo dzekutsvaga vachatora zvigaro zvematunhu madiki mubato reZanu PF dzinotanga nhasi munyika yose panguva iyo mubato riri kutonga iri muchinzi mune kurwisana kukuru. Asi bato iri rinoramba mashoko ekuti mune kusawirirana kunotyisa richiti kukwikwidzana hakurevi kurwisana.

Zimbabwe yobatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva rerunyararo kana kuti International Peace Day komisheni yeNational Peace and Reconciliation Commission ichikurudzira kubatana munyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano hwepfungwa dzinoti dziri kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanhu vari kuzvisungirira munyika.

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa nyaya yeZuva reRunyararo pasi rose uye sarudzo dziri kuitwa muZanu-PF munguva ino yekurwisa denda reCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG