Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Kurume 25, 2021


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Vamwe vabereki vobvisa vana vavo pachikoro chePrince Edward muHarare mushure mekunge vamwe vadzidzisi vanomwe vabatwa nechirwere cheCovid-19 zvichitevera kuvhurwa kwezvikoro.

Zimbabwe inoenderera mberi nekubaya vanhu nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19, uye mukupera kwezuva nezuro, vanhu zviuru makumi mana nezvipfumbamwe nemazana mana nevana, 49 404, vainge vabaiwa nhomba iyi kusanganisira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Sangano rePlatform for Youth and Community Development rinoti raparura zvirongwa zvekubatsira vanhu kuChipinge, Manicaland kuti vanzwisise nezvechirwere pamwe nenhomba yeCovid-19.

Vezvematongerwo enyika votatsurana pamusoro pemashoko ekuti hurongwa hwekubaiwa kwenhomba yeCovid-19 hwave kupinzwa zvematongerwo enyika, izvo zvinonzi nevamwe zvinogona kunge zviri izvo zviri kuita kuti veruzhinji vatye kutora nhomba iyi.

Nhengo dzeMDC Alliance dziri kupomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, apo vainge vari mudare repamaende, dzotarisirwa kubhadhariswa mari isiri pasi pezviuru zvishanu zvemadhora ekuAmerica kana paramende ikatambira zvisungo zvekomiti iri kuferefeta nhengo idzi.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nemadzimai munyika panguva iyo Zimbabwe iri muhurongwa hwekubaya vanhu vayo nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG