Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Zvita 24, 2020


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi pamazana matatu nemakumi matatu.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzoyambira veruzhinji kuti vangwarire kuchirwere cheCovid-19 munguva ino yezororo rekisimusi negore idzva.

Mutori wenhau ane mukurumbira munyika, Foster Dongozi, akashaya nezuro muHarare mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Mumwe mutori wenhau dzemitambo, Tendai Ndemera, uyo akashaya neChipiri mangwanani, acharadzikwa muHarare nemusi weChishanu.

Vanhu vakawanda vanotadza kutora mari dzavo mumabhanga pamwe nepama ATM izvo zvichaita kuti vapinde muzororo rekisimusi vasina mari.

Vanhu vopesana pfungwa panyaya yekisimusi yegore rino zvichienzaniswa nemakore akare vamwe vachiti iri nani nekuti hupfumi huri kugadzikana vamwe vachiti hupfumi hwenyika huchiri kumawere nekudaro vakawanda vari kunonga svosve nemuromo

Vanoita zvemitambo vanoti hapana chekupemberera gore rino sezvo vazhinji vavo vachange vakagara mudzimba nemhuri dzavo.

Madzimai ekuBinga orarama nekuruka mabhasikiti ayo anozotengesa.

Studio7 inotarisa zvakadzama zviri kuitika muAmerica munyaya dzematongerwo enyika.

Muchirongwa cheWomen's RoundTable na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevanhukadzi munguva ino yezororo.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm .pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG