Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chishanu, Zvita, 11, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere cheCovid 19 munyika huri kuramba huchikwira zvichitevera kufa kwemunhu mumwechete nezuro kuManicaland, izvo zvakasvitsa vanhu vafa nyika yose pamazana matatu nevashanu, kana kuti 305.

Mhuri dzinokwana zana nemakumi matatu nena dziri kupurwa nemvura dziri panze mushure mekunge kanzuru yeHarare yaputsa dzimba dzavo kuBudiriro 5 nemusi weChipiri dzichinzi dzakavakwa zviri kunze kwemutemo.

Rimwe sangano revarairidzi, reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, rinoti nhengo dzaro dzakabatana nevabereki vanyorera mutungamiri wenyika gwaro renyunyuto vachinyunyuta nemabatirwo avanoti ari kuitwa bvunzo dziri kunyorwa nevana munguva ino yeCovid-19.

Mutungamiri webato rinopikisa VaNelson Chamisa, nhasi vadyara miti kuGoromonzi South senzira yekucherechedza zuva rekudyarwa kwemiti munyika, reNational Tree Day, iro rinocherechedzwa Mugovera wekutanga mumwedzi waZvita gore roga roga.

Vakasarudzwa semutungamiri weAmerica, VaJoe Biden nezuro vakazivisa nezvekudoma kwavo vamwe vanhu vane chitsama vachatora zvigaro zvepamusoro muhurumende yavo, kusanganisira madzimai matatu asiri echichena.

Munhau dzemitambo, Mutambi wenhabvu wemuZimbabwe Tino Kadewere atambidzwa mukana wekuratidza zvaakapakata chaizvo apo ari kusangana nevamwe vevakomana vakuru munhabvu pasi rese Neymar, na Killian Mbape.

Muchirongwa chedu cheLiveTalk na 8:00pm, nhasi tiri kutarisa nezveCovid-19 pamwe nezviri kuitika muAmerica zvichitevera sarudzo dzakaitwa musi wa 03 Mbudzi gore rino.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG