Bvunzo dzeGrade 7 dzotanga kunyorwa nhasi vamwe vana vachinyora voga sezvo vakabatwa nechirwere cheCovid-19.
Bazi rezvehutano rinoti mari yarakapihwa mubhajeti gore rinouya ishoma zvikuru pane iri kudiwa.
Makanzura makumi matatu nevashanu vekuChitungwiza vosungwa nemapurisa vachiita musangano.
Vezvematongerwo enyika vozeya nezvesarudzo dzematunhu dzemaDistrict Coordinating Committee, kana kuti DCC muZanu-PF idzo dziri kutarisirwa kuitwa mukupera kwesvondo rino mukati memashoko ekuti sarudzo idzi hadzisi kufambiswa zvakanaka izvo zviri kuita kuti dzimwe nhengo dzebato iri dzigunun'une.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum