Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Muvhuro, Mbudzi ,09, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Kufa kwevanhu vakawanda muBulawayo mumavhiki mashoma adarika kwopa kuti Zimbabwe ive nevanhu vakawandisa vari kufa mudunhu rose zvichienzaniswa nehuwandu hwevanhu vari munyika yoga yoga.

Lazarus Boora aizivikanwa nekuti Gringo ashaya nhasi mangwanani kuZimre Park kuRuwa.

Mutori wenhau Hopewell Chin’ono nevaive mutungamiri veZIFA Muzvare Henrieta Rushwaya vomiswa pamberi pedare nhasi nezvikumbiro zvekuti vapihwe mikana yekubvisa mari yechibatiso.

Vanorarama nehusope vanoti kushaikwa kwemvura kwave kuisa hupenyu hwavo munjodzi sezo vopedza nguva yakawanda vari muzuva vachitsvaga mvura zvinogona kupa kuti vabatwe nechirwere chegomarara.

Kunetsana musarudzo dzemuAmerica kuchiri kuenderera mberi mutungamiri wenyika VaDonald Trump vachiramba kutambira zviri kubuda musarudzo dzemutungamiri wenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG