Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Nyamavhuvhu 18, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Bazi rezvehutano nezuro rakazivisa kuti huwandu hwevanhu vafa nechirwere cheCovid-19 hwakanga hwasvika pazana nemakumi matatu nevashanu, kana kuti 135, kuchitiwo vabatwa nechirwere ichi munyika yose vasvika pazviuru zvishanu nemazana matatu ane vasere, kana kuti 5 308.

Mutongi wedare ramajesitireti, VaNgoni Nduna, vanorambidza Amai Beatrice Mtetwa kumirira mutori wenhau, Hopewell Chin’ono, uye vakurudzira kuti sangano reLaw Society of Zimbabwe rirambidze Amai Mtetwa kushanda segweta sezvo vakatyora mitemo yematare edzimhosva.

Gweta riri kumirira VaJacob Ngarivhume, VaMoses Nkomo, vanoti vava kunyorera mukuru wepaChikurubi Maximum Prison kuti atevedzere zvakatarwa nedare zvekuti asarambidze hama dzaVaNgarivhume kuvaigira chikafu, kutadza kwake kuita izvi oendeswa kumatare edzimhosva achipomerwa mhosva yekuzvidza mitongo yematare.

Vanhu vakawanda votarisira gwaro richaburitswa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamusoro petsamba yakanyorwa nemabhishopu emunyika achinyunyuta nekutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuitika munyika.

Nyanzvi munyaya dzehupfumi hwenyika dzozeya mamiriro akaita hupfumi hwenyika panguva iyo mabhizinesi ari kutatarika nepamusana peCovid-19, iyo yavhiringa pasi rose.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nevechidiki munyika munguva ino yeCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG