Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 hwakakwira neChitatu manheru kusvika pazviuru zviviri nemakumi matatu nevana, vafa vachiri makumi maviri nevatanhatu.
Mutori wenhau ane mukurumbira, Hopewell Chin’ono, otarisirwa kudzokera mudare mangwana achibva mutirongo.
Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vanonyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso pamhosva yavari kupomerwa pamwe chete naChin’ono.
Meya weguta reHarare, VaHerbert Gomba, vanomiswa pamberi pematare edzimhosva vachipomerwa mhosva yekushandisa hofisi yavo zvisiri pamwero. VaGomba vachadzoka zvakare mudare mangwana
Mapurisa nemasoja anozara mumigwagwa achirambidza vanhu kupinda mukati memaguta
Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa dambudziko reCoronavirus iro riri kuramba richikura pasi rose
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.
Facebook Forum