Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Chivabvu 21, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Hurumende yakazivisa nezuro kuti vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 vava makumi mana nevasere, uye vafa nechirwere ichi, vachiri vana munyika yose.

Munhu wekutanga anobatwa nechirwere cheCovid-19 kuMasvingo panguva iyo vanhu vakawanda vari kutyira kuti mudunhu iri munogona kunge muine vanhu vakawanda vane chirwere ichi asi vasiri kubuda pachena.

Hurumende inonzi iri kuronga kusimbisa mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu kana kuti lockdown, kuburikidza nekuwedera mauto nemapurisa mumigwagwa panguva iyo huwandu hwevanhu vari kubatwa ne Covid-19 huri kukwira.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuUnited Arab Emirates nedzimwe nyika zvochema chema zvichiti zvinoda kuti zvidzoserwe kuZimbabwe sezvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka munyika zvadziri kugara nepamusana pe coronavirus iyo yavhiringa pasi rose.

Masangano evanhukadzi anorwira kodzero dzevanhu anokomekedza komisheni yeZimbabwe Human Rights Commission kuti itore matanho pane zvakaitika pamadzimai matatu eMDC ayo anoti akatochwa ari mumaoko emapurisa.

Nyaya iri kupomerwa vasori nemapurisa yekuve nechekuita nekupambwa nekuitwa kafiramberi madzimai matatu eMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa yokonzera kupesana kukuru munyika.

Dzimwe nhengo dzechitendero cheIslam idzo dziri pakati pemwedzi wekutsanya weRamadan dzinoti kunyange dzisiri kuungana nekuda kwechirwere cheCovid-19, dziri kutora mukana uyu kuverenga bhaibheri radzo reQuran dziri mudzimba.

Muchirongwa cheWomen’s RoundTable na8pm tiri kutarisa nyaya yekutochwa kwemadzimai matatu eMDC pamwe nezviri kuitika munyaya dzekurwisa chirwere cheCovid-19.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG