Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chipiri, Ndira 14, 2020


Nhau DzeShona Studio7
Nhau DzeShona Studio7

Zvikoro zvinovhurwa nhasi paine makakatanwa pakati pevarairidzi nehurumende pamusoro pemihoro varairidzi vakawanda vachiti havakwanisi kuenda kubasa nekuti havana mari.

MDC national standing committee inoita musangano wayo wekutanga gore rino, uye mutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa, vari kutarisirwa kutaura neruzhinji rwenyika kuburikidza nemashoko avachaburitsa nhasi.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasvika kuMozambique kunoona mutungamiri wenyika iyi, VaFilipe Nyusi, vachigadzwa mangwana semutungamiri wenyika iyi kechipiri zvichitevera kukunda kwavakaita musarudzo.

Vamwe vagari vekuShurugwi mudunhu reMidlands votairisana nedambudziko remvura zvichitevera kuoma kuri kuita zvibhorani munzvimbo dzavo.

Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa matambudziko akatarisana nevadzidzi, vabereki nevarairidzi panguva iyo zvikoro zvavhurwa zvinhu zvakaita manyama amire nerongo munyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 6040, ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 4930, 7270, ne 9885 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG