Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, China, Zvita 21, 2017


Misoro yeNhau dzaNhasi
Misoro yeNhau dzaNhasi

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanosangana nezvizvarwa zveZimbabwe zviri muSouth Africa vachizvikurudzira kuti zvidzoke kumusha kunotanga mabhizinesi.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika pamwe nezvehupfumi dzotaura pamusoro pehurongwa hwaVaMnangagwa hwekuda kusimbaradza hupfumi kuburikidza nekukwezva vari kunze kwenyika kuti vatange mabhizinesi muZimbabwe.

Veruzhinji vokatyamadzwa nehuwandu hwevanhu vekumaruwa vanonzi vakanyoresa kuvhota uho hunonzi neZimbabwe Electoral Commission huri pazvikamu makumi masere kubva muzana.

Mutambi wetsiva, Charles Manyuchi anoparura chirongwa chekusimudzira vatambi vechidiki vane tarenda, cheCharles Manyuchi Sports Academy ku Chivhu,icho chichange chine vatambi vanosanganisira mimwe mitambo yakaita se volleyball, basketball, tennis, netball, ne squash

Muchirongwa cheWomen’s Roundtable na 8pm, tiri kutarisa zvichange zvichiitwa nevanhukadzi panguva ino yezororo rekisimusi negore idzva.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Musakanganwe kuteerera zvimwe zvirongwa zvedu na 6am, uye 2pm mazuva ose.

Musakanganwe kutifarira paFacebook peji redu re VOA Shona.

Kurudzirai hama neshamwari kuti dzitifarire paFacebook yedu. Endai pa link iyi: https://www.facebook.com/voa.shona/

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG