Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi Chipiri, Ndira 02, 2018


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Dunhu reMashonaland Central rinochema kushaya kwasachigaro weMDC-T mudunhu iri, VaJustin Chitate, avo vakashaya pahurongwa hwekurangarira imwe nhengo yebato iri.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu ari kukurudzira vanogara mumaguta kuti vaende kunonyoresa panotanga zvakare chirongwa chekunyoresa musi wa Ndira 5.

Gurukota rezvemitemo rinoti hurumende yakagadzirisa mitemo yese inobata sarudzo, izvo zviri kupikiswa nemapato anopikisa pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira.

Mutungamiri weProgressive Democtats of Zimbabwe, Amai Barbara Nyagomo, vanoti pane zvakawanda zvinofanirwa kugadziriswa kuitira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.

Muchirongwa cheThe Connection na 8pm, tiri kutarisa zvisungo zvevechidiki mugore idzva ra 2018.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp panhamba dzinoti 001 202 465 0318…

Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 6080, 15580 ne 15460 Kilohertz paShortwave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG