Accessibility links

Breaking News

Varume Vanomwe vekuChina Vanomiswa Mudare reDzimhosva kuVictoria Falls


Vasungwa ...
Vasungwa ...

Mumwe mutongi wedare redzimhosva muVictoria Falls anoti mhosva yakatarisana nezvizvarwa zvekuChina zvinomwe inofanirwa kutongwa nekukasika sezvo vanhu ava vave nemazuva akawanda vari muhusungwa.

Vanomwe ava vamiswa mudare neChina, muchuchisi wenyaya iyi, VaBhekimpilo Tshabalala, vacbva vapa chikumbira chekuti kutanga kutongwa kwenyaya iyi kuendeswe mberi.

Vati chikonzero chechikumbiro chavo ndechekuti pamusoro pemhosva iri kupomerwa vanomwe ava, mapurisa ave kuwedzera imwe mhosva yekuburitsa mari munyika zviri kunze kwemutemo, uye kuti nekuda kwehudzamu hwayo, nyaya iyi inofanirwa kunzwikwa kudare rekuHwange kwavati ndiko kune vatongi vakakodzera kunzwa nyaya iyi.

Zvizvarwa zvekuChina zvinomwe izvi zvakasunga svondo rapera zvichipomerwa mhosva yekutyora chikamu chemutemo une chekuita nekuchengetedzwa kwedzimwe mhuka, kana kuti Parks and Wildlife Act, mushure mekunge vawanikwa vaine zvidimbu zvenyanga dzezvipembere zvine huremu hunosvika makirogiramu makumi maviri uye zvichikosha mari inosvika zviuru mazana mapfumbamwe emadhora.

Pavakamiswa pamberi pedare svondo rapera, muchuchisi negweta revanomwe ava vaive vabvumrana kuti nyaya iyi yaizotanga kutongwa nhasi.

Gweta revanomwe ava, VaGivemore Mvhiringi, vaudza Studio7 kuti vashamisika kuti muchuchisi ange ave kukumbira dare kuti nyaya iyi iendeswe mberi vachiti vange vakagadzirira kutanga kutongwa kwenyaya iyi.

Vatiwo vanomwe ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Mutongi wedare, Muzvare Rangarirai Gakanje, vabvumirana negweta revanomwe ava kuti vave nenguva yakareba vari muhusungwa vakatara musi wa9 Ndira sezuva rinofanirwa kutanga kutongwa nyaya iyi.

Vati kana nyaya iyi ikatadza kutanga kutongwa musi uyu, muchuchisi anofanirwa kubvuma kupiwa zuva riri pedyo nemusi uyu sezuva richatanga kutongwa kwenyaya iyi.

Muzvare Gakanje vati nyaya iyi inogona kunzwikwa mudare reVictoria Falls nemutongi akakodzera kunzwa nyaya yakadaro.

Zimbabwe ine mutemo unorambidza kuuraya pamwe nekutengesa kana kuve nenyanga dzemhuka dzakadai sechipembere nenzou zvisiri pamutemo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:01:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG